Enda pane zvauri kuda

Hama Anatoliy Senin

26 SEPTEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 16 JANUARY 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Kuramba Ndiine Kutenda Kwakasimba Kuri Kuita Kuti Ndisanyanya Kutya

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Kuramba Ndiine Kutenda Kwakasimba Kuri Kuita Kuti Ndisanyanya Kutya

Dare reKyzylskiy City Court of the Republic of Tuva rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahama Anatoliy Senin. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakareba sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 28 January 2021

    Mapurisa akasecha imba yavo achibva avatora. Vakavharirwa mujeri vakamirira kuti nyaya yavo itongwe

  2. 30 January 2021

    Vakasunungurwa mujeri vakanzi vasabva pamba

  3. 27 March 2021

    Vakanzi vanogona havo kubva pamba asi vasaita nzendo

  4. 17 January 2022

    Vakapomerwa mhosva yekutungamirira basa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha

  5. 6 April 2022

    Nyaya yacho yakabva yapinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyaradzwa nemashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake ekuti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuti ichitya.”—Johani 14:27.