Enda pane zvauri kuda

Hama Ivan Shulyuk

16 FEBRUARY 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 10 MAY 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Mwoyo Murefu Uri Kubatsira Hama Ivan Shulyuk Kutsungirira Kutambudzwa

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Mwoyo Murefu Uri Kubatsira Hama Ivan Shulyuk Kutsungirira Kutambudzwa

Musi wa10 May 2023, dare reNazarovskiy City Court riri munharaunda yeKrasnoyarsk rakati Hama Ivan Shulyuk vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore 7. Mutongo wacho wakambosendekwa saka havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 18 June 2020

    Mapurisa aiva nepfuti akasecha imba yahama nahanzvadzi Shulyuk uye vakabva vatora hama Shulyuk vachibva vavaisa mujeri

  2. 19 June 2020

    Dare rakati Ivan aendeswe kujeri rinochengetwa vanhu vakamirira kutongwa

  3. 9 July 2020

    Ivan akasunungurwa. Asi akanga asingabvumidzwe kutaura nevanhu vaasingagari navo. Uye akanzi asabva pamba kubva na6 dzemangwanani kusvika na11 dzeusiku. Izvi zvakaita kuti asakwanisa kuenda kubasa

  4. 14 August 2020

    Aiongorora nyaya yacho akaedza kuita kuti Ivan arambidzwe kuita zvimwe zvinhu asi zvakarambwa nekuti Ivan ane mukurumbira wakanaka. Akabvumidzwa kuita zvimwe zvinhu zvaakanga amborambidzwa

  5. 17 August 2020

    Ivan akarambidzwa kuenda kune dzimwe nzvimbo

  6. 15 September 2021

    Nyaya yake yakapinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinoonga chaizvo kuti “Jehovha anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari.”—2 Petro 2:9.