Enda pane zvauri kuda

Hama Danil Suvorov

16 DECEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 20 JUNE 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKASUNGWA | Kufara Pasinei Nematambudziko

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKASUNGWA | Kufara Pasinei Nematambudziko

Musi wa20 June 2023, dare reCentral District Court of Sochi rakati Hama  Danil Suvorov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6. Hama Danil vanga vari mujeri kubva musi wa18 August 2021 uye vacharamba vakasungwa.

Nhoroondo Yeupenyu

Zvinotikurudzira kuziva kuti kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirambe tichishumira Jehovha toramba tiri pedyo naye, tichakwanisa kuramba tichifara pasinei nematambudziko atinosangana nawo.—Pisarema 16:11.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 13 August 2021

    Hama Suvorov vakatanga kupomerwa mhosva zvichibva pauchapupu hwakapiwa nemumwe munhu aishanda nemapurisa ainyepedzera kufarira kudzidza Bhaibheri

  2. 18 August 2021

    Imba yavo yakasechwa. Vakasungwa vakanovharirwa kumapurisa

  3. 19 August 2021

    Vakaendeswa kujeri vakanovharirwa vachimirira kutongwa

  4. 29 April 2022

    Vakanzi vane mhosva yekuronga kuita mabasa anoitwa nesangano rinonzi rinopandukira hurumende uye yekutsvagawo vamwe kuti vabatane nesangano racho

  5. 10 June 2022

    Nyaya yavo yakatanga kutongwa mudare

a b Painyorwa nyaya ino, Hama Suvorov vakanga vakavharirwa mujeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe saka zvainge zvisingaiti kutaura navo.