Enda pane zvauri kuda

Hama Aleksey Khabarov

1 SEPTEMBER, 2021 | NYAYA IYI PAYAVA— OCTOBER 25, 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKASUNGWA | Kunyengetera Uye Kuverenga Bhaibheri Zviri Kubatsira Hama Aleksey Khabarov Kuramba Vakashinga

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKASUNGWA | Kunyengetera Uye Kuverenga Bhaibheri Zviri Kubatsira Hama Aleksey Khabarov Kuramba Vakashinga

Musi wa20 October 2023, dare rePorkhovskiy District Court of the Pskov Region rakati Hama Aleksey Khabarov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu. Mutongo uyu wakapiwa pashure pekunge muchuchisi akumbira kuti nyaya iyi idzoke mudare. Aka kanga kava kechitatu nyaya yaHama Khabarov ichitongwa mudare. Vakabva vatovharirwa.

Musi wa27 June 2022, dare rePorkhovskiy District Court of the Pskov Region rakati Hama Aleksey Khabarov havana mhosva dzese dzavaipomerwa.

Zvinhu Zvakaitika

  1. Musi wa26 November 2021, dare rePskov Regional Court rakanzwa chikumbiro chahama Khabarov chekuti nyaya yavo itongwe zvekare. Nyaya yacho yakadzoserwa kudare rakatanga kutonga nyaya iyi kuti inotongwa nemumwe mutongi akasiyana newekutanga. Havasi kufanira havo kuenda kujeri panguva ino

  2. 7 September 2021

    Dare rePorkhovskiy District Court riri kuPskov rakati hama Aleksey Khabarov vane mhosva uye rakavatongera makore matatu mujeri asi makore acho akasendekwa padivi

  3. 29 October 2020

    Nyaya yahama Aleksey yakapinda mudare

  4. 28 August 2020

    Pakutanga Aleksey akapomerwa mhosva yekuita misangano ine chekuita nechitendero iyo vanhu vanenge vachitaura zvavanotenda, vachiverenga Bhaibheri uye vachikurukura zvinhu zvine chekuita neBhaibheri nekuimba nziyo dzechitendero

  5. 7 February 2020

    Aleksey akabvunzurudzwa kechipiri. Paaibvunzurudzwa zvakaonekwa kuti mapurisa akanga arekodha zvaaitaura pafoni muna 2018

  6. 31 January 2020

    Aleksey akapomerwa mhosva asi haana kubva avharirwa mujeri

  7. 24 May 2019

    Aleksey akanyora chikumbiro chake kusangano reOmbudsman for Human Rights riri kuPskov achitaura kuti haana mhosva asi ari kungotsigira zvaanotenda. Sangano racho rakabvuma kuti Aleksey ane kodzero yekuita zvinoenderana nezvaanotenda

  8. 3 April, 2019

    Imba yaAleksey yakasechwa nemapurisa, zvimwe zvinhu zvake zvakatorwa uye akabvunzurudzwa nemapurisa

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyatsobvumirana nahama Aleksey kuti Jehovha anogara achibatsira vakavimbika vake kuti vave ‘neushingi uye vasimbe mwoyo.’—Pisarema 27:14.