Enda pane zvauri kuda

Hama Nikolay Saparov nemudzimai wavo Nataliya (kurudyi), uye mwana wavo Anastasia (kuruboshwe)

8 NOVEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 22 JANUARY 2024
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKAVHARIRWA MUJERI | Kunyengetera Uye Kuverenga Bhaibheri Kuri Kundibatsira Kuti Nditsungirire

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKAVHARIRWA MUJERI | Kunyengetera Uye Kuverenga Bhaibheri Kuri Kundibatsira Kuti Nditsungirire

Musi wa17 January 2024, dare reMaykop City Court of the Republic of Adygeya rakati hama Nikolay Saparov vane mhosva uye rakavatongera makore 6 ekugara mujeri. Hama Nikolay vanga vakavharirwa mujeri vakamirira kuti nyaya yavo itongwe kubva muna March 2022 uye vacharamba vari mujeri.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 22 March 2022

    Akapomerwa mhosva

  2. 23 March 2022

    Nikolay akasungwa paaiva panhandare yendege aine mudzimai wake nemwanasikana wake. Mapurisa paakapedza kumubvunzurudza vakabva vamupomera mhosva yekuronga zvinhu musangano rinonzi riri kupandukira hurumende. Akabva aiswa muremand. Imba yake yakabva yanosechwa

  3. 24 March 2022

    Nikolay akaendeswa kune rimwe jeri akamirira kuti nyaya yake izopinda mudare

  4. 19 May 2022

    Nyaya yacho yakapinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitika kumhuri yekwaSaparov zvinotiyeuchidza kuti nguva dzese Jehovha anonzwa mushumiri wake ‘paanochemera kubatsirwa.’—Pisarema 119:147.

a Nyaya iyi payainyorwa hama Saparov vakanga vari mujeri saka hatina zvatakanzwawo kubva kwavari.