Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Irina Buglak

13 DECEMBER 2021 | NYAYA IYI PAYAVA: 13 JUNE 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI INE MHOSVA | ‘Kuva Pedyo naJehovha Ndiko Kuri Kuita Kuti Ndifare’

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI INE MHOSVA | ‘Kuva Pedyo naJehovha Ndiko Kuri Kuita Kuti Ndifare’

Musi wa6 June 2023, dare rePartizansk City Court riri munharaunda yePrimorye rakati Hanzvadzi Irina Buglak  vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu. Mutongo wacho wakambosendekwa saka havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 6 August, 2021

    Nyaya yaIrina yakadzorerwa mudare rePartizansk City Court kuti itongwe zvakare

  2. 30 November, 2020

    Nyaya yaIrina yakadzorerwa kuhofisi yemuchuchisi nekuti pakanga pasina umboo

  3. 31 January, 2020

    Akazobvumidzwa kubva pamba pashure pemazuva 107

  4. 16 October, 2019

    Irina akabudiswa mujeri, pashure pekunge aita mazuva 179 akavharirwa achimirira kuti nyaya yake itongwe. Asi akanzi asabva pamba

  5. 20 April, 2019

    Mapurisa epachivande eFederal Security Service(FSB) akasecha mumba maIrina na3 kwava kuyedza. Vakamupomera mhosva yekuronga uye kuitisa misangano ine chekuita nechitendero. Akaiswa mujeri achimirira kuti nyaya yake izotongwa, uye ari ikoko mazuva aaifanira kugaramo akawedzerwa ka3

  6. 19 April, 2019

    Mapurisa 8 eFSB akapinda nechisimba mumba mahanzvadzi Nelly Tarasyuk avo vane makore 80. Irina nemwanasikana wake anonzi Natalya, vaivawo mumba imomo pamwe chete nedzimwe hanzvadzi. Mapurisa paaisecha, hanzvadzi Tarasyuk vakarwara vachibva vaendeswa kuchipatara. Dzimwe hanzvadzi dzacho dzese dzakasungwa uye vakaita usiku hwese vachibvunzurudzwa. Irina akabva aiswa mujeri

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyengetera kuti Jehovha arambe achisimbisa hanzvadzi Irina uyewo hama nehanzvadzi dzedu dziri muRussia kuti varambe vachitsungirira nemwoyo murefu nemufaro.—VaKorose 1:11.