20 DECEMBER 2021
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA | Hama 4 Dziri Kumirira Kupiwa Mutongo Zvichitevera Kusechwa Kwedzimba Kusati Kwamboitwa Munharaunda yeTrans-Baikal
Musi wa20 September 2022, dare reTrans-Baikal Territory Court rakaramba chikumbiro chahama Vladimir Ermolaev, Sergey Kirilyuk, Igor Mamalimov, nahama Aleksandr Putintsev chekuti nyaya yavo idzoke mudare. Hama Vladimir, Igor, nahama Aleksandr vachiri mujeri. Sergey haasati hake ava kufanira kuenda kujeri pari zvino.
Musi wa6 June 2022, dare reCentral District Court of Chita rakati hama Vladimir, Sergey, Igor, nahama Aleksandr vane mhosva. Sergey akapiwa mutongo wekugara makore 6 mujeri asi wakambosendekwa padivi. Vladimir, Igor, naAleksandr vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6 nehafu. Vachabva vatotanga kupika mutongo wavo
Zvinhu Zvakaitika
16 March 2021
Nyaya inotanga kutongwa mudare
2 February 2021
Vladimir, Sergey, Igor, naAleksandr vanopomerwa mhosva yekuronga kuita mabasa esangano rakabhanwa nehurumende
3 April 2020
Vladimir anobvumidzwa kubva pamba
15 February 2020
Sergey anobudiswa pashure pekunge aita 5 akavharirwa
12 February 2020
Igor naAleksandr vanobudiswa. Sergey akaramba akavharirwa kwemamwe mazuva matatu. Vladimir akarambidzwa kubva pamba kwemazuva 52
10 February 2020
Mapurisa eFSB akasecha dzimba 50 dzeZvapupu zvaJehovha munharaunda yeTrans-Baikal. Dzimba idzi dzaisanganisira dzeZvapupu zvakura uye zvakaremara. Pane imwe imba, mumwe mukomana wechidiki akarohwa amai vake nehanzvadzi yake vakatarisa. Imwe hama yakatambudzwa zvisingaiti. Pashure pekunge dzimba idzi dzasechwa, mapurisa akavharira hama 10 kusanganisira Igor, Aleksandr, Sergey, naVladimir
Nhoroondo Yeupenyu
Dai tese tikava nekutenda kwakasimba sehama dzedu idzi, idzo ‘dzakatsidza mumwoyo yadzo’ kuti dzicharamba dzakatendeka kuna Jehovha pasinei nekutambudzwa nehurumende sezvakaitwa Dhanieri neshamwari dzake.—Dhanieri 1:8.