Enda pane zvauri kuda

Hama Aleksey Smelov

3 FEBRUARY 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Hama Aleksey Smelov Vari Kubatsirwa naJehovha Kuti Vatsungirire

NYAYA IYI PAYAVA | Hama Aleksey Smelov Vari Kubatsirwa naJehovha Kuti Vatsungirire

Musi wa21 April 2022, dare reKondopoga City Court of the Republic of Karelia rakati hama Aleksey Smelov vane mhosva. Vakanzi vabhadhare faindi yeUS$5 012.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 23 July 2019

    Mapurisa akapomera hama Aleksey mhosva yekuva nechinzvimbo musangano rechitendero chakabhanwa nehurumende, kuronga misangano yaro uyewo mabasa aro ekuudza vamwe nezvaro

  2. 31 July 2019

    Mapurisa eFSB akapinda nechisimba mudzimba 15 uye kumabasa kweZvapupu zvaJehovha zvinogara mutaundi reKondopoga nemuguta rePetrozavodsk. Mapurisa akapinda mumba mahama nahanzvadzi Smelov achinyepedzera kunge vanhu vaida kugadzira pombi dzemvura achibva asecha. Hama Aleksey nemudzimai wavo, Irina, vakabva vaendeswa kumahofisi emapurisa eFSB emunharaunda yacho kunobvunzurudzwa. Aleksey akabva aendeswa kumahofisi makuru emapurisa eFSB muguta rePetrozavodsk. Akazonzi aende kumba dzava kuma11:30 dzeusiku asi akabva arambidzwa kubuda munzvimbo yaanogara

  3. 7 August 2019

    Mapurisa akati hama Aleksey vakatyora mutemo uri muPart 1 of Article 282.2 muBumbiro Remutemo rekuRussia

  4. 9 April 2020

    Nyaya yacho yakambomira kuongororwa nemhaka yechirwere cheCOVID-19

  5. 8 June 2020

    Nyaya yacho yakatanga kuongororwa zvakare

Nhoroondo Yeupenyu

Kungofanana nahama Aleksey, tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba ‘achiratidza simba rake’ kune vese vari kutambudzwa.—2 Makoronike 16:9.