Enda pane zvauri kuda

Hama Sergey Belousov

1 APRIL 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Hama Sergey Belousov Vanodzivirira Zita raMwari

NYAYA IYI PAYAVA | Hama Sergey Belousov Vanodzivirira Zita raMwari

Musi wa14 April 2022, dare reSeversk City Court of the Tomsk Region rakati hama Sergey Belousov vane mhosva uye rakavatongera makore 3 ekugara mujeri. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 14 July 2020

    Mapurisa epachivande eFSB akapinda zvechisimba mudzimba 7, kusanganisira mumba mahama Belousov. Mushandi wehurumende akanyepedzera kufarira kudzidza Bhaibheri achibva arekodha misangano yeungano yakaitwa mwedzi yakanga yadarika

  2. 25 March 2021

    Sergey anopomerwa mhosva

  3. 30 March 2021

    Sergey akapomerwa mhosva pachishandiswa zvakarekodhwa nemushandi wehurumende. Akapomerwa mhosva yekushandisa videoconferencing kuita zvinhu zvekunamata zvakadai sekuimba uye kunyengetera kuna Jehovha Mwari

Nhoroondo Yeupenyu

SaSergey, tinoramba tichirumbidza zita raJehovha tiine chokwadi chekuti, “Achawedzera simba revanhu vake.”—Pisarema 148:13, 14.