Enda pane zvauri kuda

Nechepamusoro (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Hama Aleksey Dyadkin, Aleksey Goreliy, naNikita Moiseyev

Nechepazasi (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Hama Vladimir Popov, Yevgeniy Razumov, naOleg Shidlovskiy

24 MARCH 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Jehovha Anotsigira Mhuri Dzehama 6 Dziri Mujeri Dzakamirira Kutongwa

NYAYA IYI PAYAVA | Jehovha Anotsigira Mhuri Dzehama 6 Dziri Mujeri Dzakamirira Kutongwa

Musi wa19 September 2022, dare reGukovo City Court of the Rostov Region rakati hama Aleksey Dyadkin, Aleksey Goreliy, Nikita Moiseyev, Vladimir Popov, Yevgeniy Razumov, naOleg Shidlovskiy vane mhosva. Hama Goreliy nahama Shidlovskiy vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 nehafu. Hama Dyadkin, Moiseyev, Popov, nahama Razumov vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 7. Vachabva vatotanga kupika mutongo wacho.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 8 August 2020

    Mapurisa epachivande eFSB akasecha dzimba 17 dzeZvapupu zvaJehovha mumaguta matatu emuRostov Region uye muguta reKursk. Hama Goreliy, Moiseyev, Razumov, naShidlovskiy vakasungwa uye mangwana acho vakaendeswa kujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa. Hama Popov vakaiswa pandandanda yevanhu vanenge vachitsvagwa nemapurisa nenyaya yekupara mhosva

  2. 12 August 2020

    Mapurisa epachivande eFSB akasunga hama Popov. Vakazoendeswa kujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa papera mazuva maviri

  3. 21 August 2020

    Pashure pekunge vaenda kunobvunzurudzwa, hama Dyadkin vakaendeswa kujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa

  4. 28 June 2021

    Gweta rakashanyira hama 6 idzi mujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa. Vakamuudza zvinhu zvakaoma zvavaisangana nazvo imomo, kusanganisira kupisa kwamaiita zvekusvika ku40 degrees Celsius, chakuvhuvhu kumadziro uye kubatira kwaiita vasungwa chirwere cheCOVID-19

  5. 21 July 2021

    Hama Popov vainetseka nekufema saka vakaendeswa kuchipatara cherimwe jeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa. Vakazoendeswa kuchipatara chisiri chepajeri

  6. 30 September 2021

    Pashure pekunge vaita mwedzi miviri vari muchipatara, hama Popov vakazodzorerwa kujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa

  7. 17 November 2021

    Nyaya yacho yakatanga kutongwa uye hama dzacho dziri 6 dzakanzi dzidzokere mujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa

Nhoroondo Yeupenyu

Tinoramba tichinyengeterera hama idzi nemhuri dzavo. Tine chokwadi chekuti Jehovha achavabatsira kuti varambe vaine kutenda uye vaine simba.—VaRoma 15:30.

a b c d e f Hatina kukwanisa kutaura nehama 6 idzi, nekuti vachiri mujeri rinochengeterwa vanhu vakamirira kutongwa.