Enda pane zvauri kuda

Nechepamusoro (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Hama Denis Antonov, Aleksandr Shevchuk, Aleksandr Korolev

Nechepazasi (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Hama Vladimir Atryakhin, Hama Georgiy Nikulin nemudzimai wavo, Yelena

16 DECEMBER 2021
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Kuverenga Bhaibheri Zuva Nezuva Kuri Kubatsira Hama 5 Nehanzvadzi Imwe Chete Kutsungirira Kutambudzwa

NYAYA IYI PAYAVA | Kuverenga Bhaibheri Zuva Nezuva Kuri Kubatsira Hama 5 Nehanzvadzi Imwe Chete Kutsungirira Kutambudzwa

Musi wa25 August 2022, dare reLeninskiy District Court riri kuSaransk rakati Hama Denis Antonov, Vladimir Atryakhin, Aleksandr Korolev, Georgiy Nikulin, naHanzvadzi Yelena Nikulina, naHama Aleksandr Shevchuk vane mhosva. Hama Dennis, Aleksandr Korolev, naAleksandr Shevchuk vakatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri. Hama Georgiy naHanzvadzi Yelena vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 4 nemwedzi miviri uye Hama Vladimir vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6. Vese vachabva vatotanga kupika mitongo yavo.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 11 June 2021

    Nyaya yakatanga kutongwa mudare reLeninskiy District Court riri kuSaransk

  2. 2 April 2021

    Yelena akamiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekuita mabasa ane chekuita nesangano rinopandukira hurumende

  3. 31 March 2021

    Vladimir akamiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinopandukira hurumende

  4. 2 July 2019

    Aleksandr Shevchuk naGeorgiy vakabudiswa kwavaiva vakavharirwa vachibva vanzi vasabuda munharaunda yavanogara

  5. 28 March 2019

    Vladimir akabudiswa kwaaiva akavharirwa achibva anzi asabuda munharaunda yaanogara

  6. 8 February 2019

    Aleksandr Shevchuk, Vladimir, naGeorgiy vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo ipinde mudare

  7. 4 February 2019

    Mapurisa eFSB anoudza hama idzi 5 uye hanzvadzi Yelena kuti vanogona kupomerwa mhosva yekuronga zvinhu zvine chekuita nesangano rinopandukira hurumende

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti kana hama nehanzvadzi dzedu dziri kutambudzwa kuRussia dzikaramba dzichivimba naJehovha, acharambawo akatendeka kwadziri achidziratidza rudo rusingachinji.—Genesisi 32:10.