Enda pane zvauri kuda

Hama Kirill Yevstigneev

13 JANUARY 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Kuvimba naJehovha Kuri Kubatsira Hama Yevstigneev Kuramba Vakatendeka

NYAYA IYI PAYAVA | Kuvimba naJehovha Kuri Kubatsira Hama Yevstigneev Kuramba Vakatendeka

Musi wa1 August 2022 dare reNizhny Novgorod Regional Court rakaramba chikumbiro chaHama Kirill Yevstigneev. Havasi kufanira havo kuenda pajeri pari zvino.

Musi wa12 May 2022, dare reLeninskiy District Court of the City of Nizhny Novgorod rakati Hama Kirill vane mhosva richibva ravatongera makore matatu asi akambosendekwa padivi.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 8 October 2021

    Nyaya yavo yakapinda mudare. Pavaiva mudare, Hama Kirill vakataura kuti chinangwa chekuungana kwavo chaiva chekutandara kwete kuita zvechitendero

  2. 24 August 2021

    Hama Kirill vakarambidzwa kuita nzendo

  3. 2 September 2020

    Hama Kirill vakapomerwa mhosva “yekutsigira nemari mabasa anopandukira hurumende” nekuti ndivo vakahaya imba yavakashandisa

  4. 11 July 2019

    Mapurisa akabva ati nanga-nanga naHama Kirill nekuti ndivo vakasaina bepa rechibvumirano chekuhaya imba yavakanga vakaunganira

  5. 4 June 2019

    Hama dzakatanga kuongororwa nemhaka yekuti dzakanga dzakaungana

  6. April 2019

    Hama Kirill nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvemuNizhny Novgorod vakahaya imba yekuungana vachitandara

Nhoroondo Yeupenyu

Ushingi huri kuratidzwa naHama Kirill, mudzimai wavo, uyewo nehama nehanzvadzi dzakatendeka dziri kutambudzwa muRussia nemuCrimea hunoita kuti tiwedzere kuvimba naJehovha.—VaFiripi 1:13, 14.