8 DECEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 15 FEBRUARY 2023
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA—MAFAINDI AKADEREDZWA | Vane Chokwadi Chekuti Jehovha Ari Kuvatsigira
Musi wa13 February 2023, dare reSupreme Court of the Chuvash Republic rakaderedza mafaindi akanga anzi abhadharwe naHanzvadzi Nina Martynova naHanzvadzi Zoya Pavlova kubva paUS$4,780 kusvika paUS$1,092. Mutongo Wakapiwa Hama Andrey Martynov naHama Mikhail Yermakov hauna kuchinjwa.
Dare reAlatyrskiy District Court of the Chuvash Republic rakati Hama Andrey, Hanzvadzi Nina, Hanzvadzi Zoya, naHama Mikhail vane mhosva. Hanzvadzi Nina naHanzvadzi Zoya vakanzi vabhadhare faindi yemari inosvika US$4, 780. Hama Andrey naHama Mikhail vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 asi mutongo wacho wakambosendekwa. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.
Nhoroondo Yeupenyu
Kungofanana nezviri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu idzo dziri kutsungirira miedzo, isuwo tinogona kuva ‘nechivimbo seshumba’ patinosangana nemiedzo tichiziva kuti Jehovha anotida uye achatitsigira.—Zvirevo 28:1.
Zvinhu Zvakaitika
23 June 2021
Dzimba dzakawanda dzemutaundi reAlatyr dzakasechwa
28 October 2021
Hama Andrey vakatanga kuongororwa vachinzi vaironga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende. Vakabva varambidzwa kuita nzendo
25 April 2022
Hama Andrey vakabva vapomerwa mhosva. Hanzvadzi Nina vakapinzwawo munyaya yacho uye vakapomerwa mhosva yekuita mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende
26 April 2022
Hanzvadzi Zoya vakapomerwa mhosva yekuita mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende vachibva vabatanidzwawo panyaya yacho
28 April 2022
Hama Mikhail vakapomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende vachibva vabatanidzwawo panyaya yacho
31 August 2022
Nyaya yavo yakatanga kutongwa mudare