Enda pane zvauri kuda

Hama Dmitriy Semenov nemudzimai wavo, Nadezhda

4 NOVEMBER 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—MHURI YEKWASEMENOV YAKANZI INE MHOSVA | Vari Kusimbiswa Nemienzaniso Yevamwe Vanotaurwa muBhaibheri Vaiva Nekutenda

NYAYA IYI PAYAVA—MHURI YEKWASEMENOV YAKANZI INE MHOSVA | Vari Kusimbiswa Nemienzaniso Yevamwe Vanotaurwa muBhaibheri Vaiva Nekutenda

Musi wa8 November 2022, Dare rePetropavlovsk-Kamchatskiy City Court remunharaunda yeKamchatka rakati hama nahanzvadzi Semenov vane mhosva. Vese vari vaviri vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 4, asi mitongo yacho yakambosendekwa padivi. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 3 September 2021

    Mumwe mukadzi aidzidza Bhaibheri naDmitriy naNadezhda akatanga kupa mapurisa eFSB mashoko nezveZvapupu. Mapurisa akashandisa mashoko iwayo kupomera Dmitriy naNadezhda mhosva. Vakapomerwa mhosva yekuedza kuita kuti vamwe vabatane nesangano rinonzi rinopandukira hurumende

  2. 6 September 2021

    Imba yavo yakasechwa. Vakatorwa kuti vanobvunzurudzwa uye vakabva varambidzwa kuita nzendo

  3. 26 July 2022

    Nyaya yavo yakatanga kupinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Sezviri kuitika kuna Dmitriy naNadezhda, Jehovha anobatsira vashumiri vake kuti vave neushingi uye kuti varambe vaine kutenda kwakasimba pavanotambudzwa. Haambovasiyi.—Joshua 1:9.