Enda pane zvauri kuda

Hama Oleg Postnikov nemudzimai wavo, Agnessa

DECEMBER 23, 2021 | NYAYA IYI PAYAVA: AUGUST 29, 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—MURUME NEMUDZIMAI VAKANZI VANE MHOSVA | Zvinhu Zvatinopiwa naJehovha Zviri Kubatsira Mhuri yekwaPostnikov Kuti Isanyanya Kunetseka

NYAYA IYI PAYAVA—MURUME NEMUDZIMAI VAKANZI VANE MHOSVA | Zvinhu Zvatinopiwa naJehovha Zviri Kubatsira Mhuri yekwaPostnikov Kuti Isanyanya Kunetseka

Musi wa23 August 2023, dare reBirobidzhanskiy District Court of the Jewish Autonomous Region rakati Hama Oleg Postnikov naHanzvadzi Agnessa Postnikova vane mhosva. Hama Postnikov vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore 5 nehafu uye Hanzvadzi Postinikova vakapiwa makore 4 nehafu. Mitongo yavo vari vaviri yakambosendekwa padivi. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Musi wa11 October 2022, dare reJewish Autonomous Region rakati mutongo wakapiwa  Hama Oleg Postnikov naHanzvadzi Agnessa Postnikova hauchashandi. Nyaya yacho ichadzoka zvakare mudare.

Musi wa25 April 2022 dare reBirobidzhanskiy District Court of the Jewish Autonomous Region rakati Hama Oleg naHanzvadzi Agnessa vane mhosva. Hama Oleg vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore 5 nehafu uye Hanzvadzi Agnessa vakapiwa makore 5. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino

Zvinhu Zvakaitika

  1. 12 February 2021

    Mapurisa eFSB akapomera Agnessa mhosva. Mhuri yekwaPostnikov yakapomerwa mhosva yekutanga boka “risingabvumidzwi nemutemo” uye kuudza vamwe nezvezvinangwa zvaro “zvekupandukira hurumende.” Oleg naAgnessa vakarambidzwa kubuda munharaunda yavanogara, vari kurambidzwa kutora mari yavo mubhengi uye mazita avo akaiswa pakati pemazita evanhu vanonzi vanopandukira hurumende muRussia

  2. 12 February 2020

    Mapurisa eFSB akapomera Oleg mhosva

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitika kumhuri yekwaPostnikov zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ari kubatsira vanhu vake kuramba vakatendeka pasinei nemiedzo yakasiyana-siyana yavanosangana nayo. Dai tikaramba tichivimba ‘nerudo rwaJehovha rusingachinji uye kutendeka kwake.’—Pisarema 115:1.