Enda pane zvauri kuda

Hama Aleksandr Kabanov

8 AUGUST 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 29 DECEMBER 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—MUTONGO WAKARAMBWA | Kugadzirira Kwakabatsira Hama Aleksandr Kabanov Kuramba Vakadzikama

NYAYA IYI PAYAVA—MUTONGO WAKARAMBWA | Kugadzirira Kwakabatsira Hama Aleksandr Kabanov Kuramba Vakadzikama

Musi wa27 December 2022, dare reKrasnoyarsk Territory Court rakaramba mutongo wakanga wapiwa Hama Aleksandr Kabanov wemakore maviri nehafu akanga akasendekwa padivi uye rakati nyaya yacho inofanira kutongwa zvakare. Musi wa5 August 2022, dare reZelenogorsk City Court rakapa mutongo waro panyaya yaHama Kabanov asi vakakumbira kuti nyaya yacho itongwe zvakare. Vari kufanira kuramba vari munharaunda yeKrasnoyarsk vachimirira kuti nyaya yacho itongwe zvakare.

Dare reZelenogorsk City Court of the Krasnoyarsk Territory rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahama Aleksandr Kabanov. Muchuchisi akakumbira kuti vapiwe mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 26 December 2019

    Vakasungwa vachibva vapomerwa mhosva yekubatana nesangano rakabhanwa nehurumende, kuverenga Bhaibheri uye kutaura nevamwe nezvaJehovha. Vakabva vavharirwa mujeri

  2. 27 December 2019

    Vakabudiswa mujeri pashure pekunge mutongi aramba zvakanga zvataurwa nemuongorori wenyaya yacho zvekuti vavharirwe kusvikira nyaya yacho yatanga kutongwa mudare

  3. 6 December 2021

    Aleksandr akataura mashoko ake ekupedzisira mudare. Mutongi haana kubva apa mutongo asi akati nyaya yacho idzokere kune vaiiongorora. Izvi zvakabva zvaita kuti nyaya yacho itore nguva refu mutongo usati wapiwa

  4. 25 March 2022

    Nyaya yacho inotangazve kutongwa mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dziri kuratidza muenzaniso wakanaka wekuva nekutenda uye dziri kuita zvinotaurwa pana Isaya 12:2 apo panoti: “Inzwai! Mwari ndiye ruponeso rwangu. Ndichavimba naye uye handizotyi; nekuti Jah Jehovha ndiye simba rangu uye ndiye anondidzivirira.”