Enda pane zvauri kuda

Hama Konstantin Sannikov

8 APRIL 2022 |  NYAYA IYI PAYAVA: 16 FEBRUARY 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—MUTONGO WEKUGARA MUJERI | Baba Vari Mujeri Vari Kusimbisa Kutenda Kwemhuri Yavo

NYAYA IYI PAYAVA—MUTONGO WEKUGARA MUJERI | Baba Vari Mujeri Vari Kusimbisa Kutenda Kwemhuri Yavo

Dare reSovetskiy District Court of Kazan rakati Hama Konstantin Sannikov vane mhosva uye rakavatongera kugara mujeri kwemakore 6 nehafu. Vanga vakavharirwa mujeri kubva muna August 2020 vachimirira kupiwa mutongo uye ndimo vavachiri.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 25 August 2020

    Mapurisa akavhura dhoketi pashure pekunge vanoongorora vaisa zvinhu zvinorekodha mashoko anenge achitaurwa mumba mahama Sannikov. Mapurisa akati hama Sannikov vari kupandukira hurumende nekuti vanhu vakauya kumba kwavo kuzokurukura zvinotaurwa neBhaibheri

  2. 27 August 2020

    Vakasungwa vachibva vaiswa mujeri vachimirira kuti nyaya yavo izotongwa

  3. 26 May 2021

    Mudzimai waKonstantin akakumbira dare kuti ashanyire murume wake asi akarambirwa uye nanhasi haasati abvumidzwa kuona murume wake

  4. 20 August 2021

    Nyaya yacho yakapinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Sezviri kuitwa naKonstantin uyo ari kuramba achisimbisa kutenda kwemhuri yake kunyange zvazvo ari mujeri, tinewo chokwadi chekuti Jehovha haambotadzi kuchengeta vashumiri vake.—1 Timoti 5:8.

a Sezvo hama Sannikov vari mujeri, hatina kukwanisa kukurukura navo kuti tinzwe zvavanotaura.