Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Yelena Menchikova

21 DECEMBER 2021 | NYAYA IYI PAYAVA: 6 DECEMBER 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI HAVANA MHOSVA | Mienzaniso Yevanhu Vaiva Vakatendeka Uye Kunyengetera Kuna Jehovha Zviri Kusimbisa Hanzvadzi Yelena Menchikova

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI HAVANA MHOSVA | Mienzaniso Yevanhu Vaiva Vakatendeka Uye Kunyengetera Kuna Jehovha Zviri Kusimbisa Hanzvadzi Yelena Menchikova

Musi wa5 December 2022, Dare reFifth General Jurisdiction Court of Cassation rakati Hanzvadzi Yelena Menchikova havana mhosva. Nyaya yavo ichadzokera zvakare mudare.

Musi wa15 February 2022, Dare reSupreme Court of the Karachayevo-Circassian Republic rakaramba chikumbiro chaHanzvadzi Yelena chekuti nyaya yavo idzoke mudare. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 15 December 2021

    Dare reCherkessk City Court riri muKarachayevo-Circassian Republic rakati hanzvadzi Yelena Menchikova vane mhosva uye rakavatongera kugara mujeri kwemakore 5, asi mutongo wacho wakambosendekwa. Havasati vava kuendeswa kujeri iye zvino.

  2. 9 June 2021

    Nyaya yacho yakatanga kutongwa mudare

  3. 9 March 2021

    Akapomerwa mhosva yechipiri yekuronga kuti vamwe vaite mabasa esangano rinopandukira hurumende

  4. 10 February 2021

    Aiongorora nyaya yacho akaramba chikumbiro chaYelena chekuti asapomerwa mhosva pashure pekunge Yelena atsanangura kuti nei achiita zvaanoita achishandisa mashoko ari muBhaibheri. Akabva atoti zvakaitwa naYelena zvekutaura mashoko ari muBhaibheri hutori umboo hwekuti ane mhosva

  5. 13 November 2020

    Aiongorora nyaya yacho akamupomera mhosva yekuimba nziyo uye kunyengetera kuna Jehovha

  6. 12 November 2020

    Mapurisa akasecha imba yaYelena kechipiri

  7. 16 December 2019

    Mapurisa epachivande eFSB akapinda nechisimba mudzimba 12 dzeZvapupu zvaJehovha muCherkessk kusanganisirawo imba yahanzvadzi Yelena

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyengetera kuti Jehovha arambe achinyaradza uye achisimbisa hanzvadzi Yelena uyewo vashumiri vake vese vakavimbika vari kusangana nematambudziko.—Pisarema 119:49, 50.