Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Oleg Konshin, Sergey Malyanov, nahanzvadzi Svetlana Malyanova

28 NOVEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 27 APRIL 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI VABHADHARE FAINDI | Kuvimba naJehovha Kuri Kuita Kuti Hama Dzedu Dzirambe Dzakadzikama

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI VABHADHARE FAINDI | Kuvimba naJehovha Kuri Kuita Kuti Hama Dzedu Dzirambe Dzakadzikama

Musi wa26 April 2023, dare reLeninskiy District Court of Nizhny Novgorod rakati Hama Oleg Konshin, Sergey Malyanov, Roman Zhivolupov a naHanzvadzi Svetlana Malyanova, uyo ari mwanasikana waHamaSergey, vane mhosva. Rakabva ravati vabhadhare mafaindi anotangira pa450,000 rubles (US$5 494 ) kusvika ku700,000 rubles (US$8 546).

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitika kuhama nehanzvadzi dzedu zvekuramba vakavimbika kuna Jehovha pasinei nekutambudzwa, chiratidzo chekuti vaya ‘vanotarisira kuna Jehovha’ vacharamba vaine ‘ushingi uye vaine mwoyo wakasimba.’—Pisarema 27:14.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 7 February 2019

    Dare rakabvumira mapurisa kuongorora kuti ndivanaani vanofonerana naSergey uye kunzwa kuti zvii zvavanenge vachitaura

  2. 16-17 July 2019

    Mapurisa akasecha dzimba 31 dzeZvapupu zvaJehovha muNizhny Novgorod uye muNizhny Novgorod Region. Oleg, Sergey, naSvetlana vakabva vasungwa vakaiswa murimandi vachimirira kuti nyaya yavo ipinde mudare. Dhoketi rakabva ravhurwa

  3. 18 July 2019

    Oleg, Sergey, naSvetlana vakabudiswa murimandi. Dare rakabva rati Oleg naSergey, pane nguva dzavasingafaniri kubva pamba, kutaura vese kana kushandisa indaneti

  4. 24 August 2021

    Roman akapomerwa mhosva yekuita mabasa ane chekuita nesangano rinonzi riri kupandukira hurumende, achibva anzi asaita nzendo

  5. 3 March 2022

    Nyaya yavo yakapinda mudare

a b Hatina kunge tawana pikicha yahama Roman Zhivolupov panguva yakabudiswa nyaya ino.