Enda pane zvauri kuda

Hama Ildar Urazbakhtin

18 OCTOBER 2022
RUSSIA

“Ndinodada Kuti Ndinodanwa Nezita raJehovha”

“Ndinodada Kuti Ndinodanwa Nezita raJehovha”

Musi wa10 October 2022, Dare reKezhemskiy District Court of the Krasnoyarsk Territory rakati Hama Ildar Urazbakhtin vane mhosva. Vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6 asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi. Havasi kufanira havo kuenda kujeri panguva ino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 20 July 2021

    Dzimba 5 dzeZvapupu zvaJehovha muguta reKodinsk dzakasechwa, kusanganisira imba yahama Ildar. Hama Ildar vakabva vavharirwa

  2. 21 July 2021

    Vakabudiswa kwavakanga vakavharirwa asi vakanzi vasabva pamba. Vakarambidzwa kushandisa foni kana kuenda paindaneti

  3. 20 September 2021

    Vakatanga kubvumidzwa kubva pamba asi vakarambidzwa kuita nzendo

  4. 13 January 2022

    Vakapomerwa mhosva yekuungana nevamwe vachiita zvekuonana pamavhidhiyo uye “kukurudzira hama nehanzvadzi kuti dzikurudzirane uye dzidzidze Bhaibheri zvakadzama”

  5. 30 March 2022

    Nyaya yakatanga kupinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitika kuna hama Ildar nedzimwe hama nehanzvadzi muRussia, zvinotiyeuchidza kuti Jehovha anoda chaizvo uye akagadzirira kutibatsira “munguva yekutambudzika.”—Pisarema 46:1.