Enda pane zvauri kuda

Hama Gevorg Gevorkyan

21 SEPTEMBER 2022
RUSSIA

“Tinokwanisa Kutsungirira Zvese Izvi Tiri Pamwe Chete”

“Tinokwanisa Kutsungirira Zvese Izvi Tiri Pamwe Chete”

Dare reAvtozavodskiy District Court of Nizhny Novgorod rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahama Gevorg Gevorkyan. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakareba sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 17 July 2019

    Imba yavo yakasechwa nemapurisa. Vakatorerwa mafoni, matablet nemamwe mapepa anokosha

  2. 18 July 2019

    Vakasungwa vari kubasa vachibva vatorwa kuti vanobvunzurudzwa. Vakaita maawa 10 vari ikoko

  3. 26 August 2021

    Vakanzi vasaita nzendo

  4. 24 November 2021

    Vakapomerwa mhosva yekuitisa misangano yeZvapupu zvaJehovha

  5. 26 January 2022

    Nyaya yacho yakadzorerwa kumuchuchisi

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitika kuna hama Gevorg, uyewo ‘kuziva kuti matambudziko atiri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzedu dzese dziri munyika’ kunogona kutibatsira kuti tirwise Satani toramba ‘takasimba pakutenda.’—1 Petro 5:9.