18 NOVEMBER, 2021
RUSSIA
Ushamwari naJehovha Uye Kubatsirwa Nezvimwe Zvapupu Kuri Kubatsira Hama Andrey Ledyaykin Kuramba Vakavimbika
Zvinhu Zvakaitika
Munguva pfupi iri kutevera, dare reSeverskiy City Court riri munharaunda yeTomsk richapa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Andrey Ledyaykin. a Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakakura sei
12 July, 2021
Nyaya yaAndrey inopinda mudare
30 March, 2021
Andrey akapomerwa mhosva yekuita mabasa ekupandukira hurumende
29 March, 2021
Andrey akarambidzwa kufamba nzendo
25 March, 2021
Dhoketi rakabva ravhurwa mhosva iri kupomerwa Andrey ichibva yatanga kuongororwa, uye akabva akatodzingwa kubasa
14 July, 2020
Vamwe veFSB nemamwe mapurisa maviri vakasunga Andrey paakanga ari kubasa. Vakazoenda kumba kwake vakatanga kusecha kwemaawa 12
March-April 2020
Mumwe mukadzi mupurisa wepachivande weFederal Security Service (FSB) akanyepedzera kunge ari kuda kudzidza Bhaibheri, achibva arekodha kudzidza kwavaiita naAndrey nedzimwe hama nehanzvadzi
Nhoroondo Yeupenyu
Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti pasinei nematambudziko ari kusangana naAndrey, Jehovha haasi kumbomusiya.—Pisarema 4:3.
a Hapasi pese patinoudzwa zuva richapiwa mutongo.