Enda pane zvauri kuda

Hama Andrey Ledyaykin

18 NOVEMBER, 2021
RUSSIA

Ushamwari naJehovha Uye Kubatsirwa Nezvimwe Zvapupu Kuri Kubatsira Hama Andrey Ledyaykin Kuramba Vakavimbika

Ushamwari naJehovha Uye Kubatsirwa Nezvimwe Zvapupu Kuri Kubatsira Hama Andrey Ledyaykin Kuramba Vakavimbika

Zvinhu Zvakaitika

  1. Munguva pfupi iri kutevera, dare reSeverskiy City Court riri munharaunda yeTomsk richapa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Andrey Ledyaykin. a Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakakura sei

  2. 12 July, 2021

    Nyaya yaAndrey inopinda mudare

  3. 30 March, 2021

    Andrey akapomerwa mhosva yekuita mabasa ekupandukira hurumende

  4. 29 March, 2021

    Andrey akarambidzwa kufamba nzendo

  5. 25 March, 2021

    Dhoketi rakabva ravhurwa mhosva iri kupomerwa Andrey ichibva yatanga kuongororwa, uye akabva akatodzingwa kubasa

  6. 14 July, 2020

    Vamwe veFSB nemamwe mapurisa maviri vakasunga Andrey paakanga ari kubasa. Vakazoenda kumba kwake vakatanga kusecha kwemaawa 12

  7. March-April 2020

    Mumwe mukadzi mupurisa wepachivande weFederal Security Service (FSB) akanyepedzera kunge ari kuda kudzidza Bhaibheri, achibva arekodha kudzidza kwavaiita naAndrey nedzimwe hama nehanzvadzi

Nhoroondo Yeupenyu

Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti pasinei nematambudziko ari kusangana naAndrey, Jehovha haasi kumbomusiya.—Pisarema 4:3.

a Hapasi pese patinoudzwa zuva richapiwa mutongo.