Enda pane zvauri kuda

Hama Yevgeniy Zinich

7 JULY 2022
RUSSIA

Yevgeniy Zinich Anoramba Akavimbika Sezvakaitwa Nevabereki Vake Uye Nambuya Nasekuru Vake

Yevgeniy Zinich Anoramba Akavimbika Sezvakaitwa Nevabereki Vake Uye Nambuya Nasekuru Vake

Musi wa27 June 2022, dare reOktyabrskiy District Court of Krasnoyarsk rakatongera hama Yevgeniy Zinich makore 6 ekugara mujeri. Yevgeniy akabva atoendeswa kujeri.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 11 December 2020

    Imba yaYevgeniy yakasechwa

  2. 21 January 2021

    Yevgeniy anopomerwa mhosva

  3. 19 October 2021

    Anonzi ane mhosva yekuronga mabasa esangano rinopandukira hurumende

  4. 20 October 2021

    Anorambidzwa kuita nzendo

  5. 14 December 2021

    Nyaya yake inopinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achida uye achinyaradza Yevgeniy paari kuedza kutevedzera ushingi uye kutsungirira zvakaratidzwa nevemumhuri make panguva dzakaoma.—Pisarema 86:17.