Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hanzvadzi Irina Sidorova, hanzvadzi Matrena Spiriadi, nahama Aleksandr Vergunov

28 DECEMBER 2021
RUSSIA

Zvapupu Zvakatendeka Zviri Kubatsirwa naJehovha

Zvapupu Zvakatendeka Zviri Kubatsirwa naJehovha

Zvinhu Zvakaitika

  1. Munguva pfupi iri kutevera dare reAbakan City Court riri muRepublic of Khakassia richapa mutongo waro panyaya yahanzvadzi Matrena Spiriadi nahama Aleksandr Vergunov. Tine urombo kuti hanzvadzi Irina Sidorova avo vakanga variwo munyaya yacho, vakashaya. Muchuchisi ari kuda kuti hanzvadzi Spiriadi nahama Vergunov vatongerwe makore 5 mujeri

  2. 30 March 2021

    Mapurisa akasecha imba yaMatrena neyaAleksandr

  3. 17 July 2020

    Irina akashaya pashure pekunge aitwa oparesheni

  4. 20 May 2020

    Mapurisa akabvunzurudza Irina, vachifungidzira kuti ane zvaari kuita zvekupandukira hurumende

  5. 19 May 2020

    Mapurisa akabvunzurudza Aleksandr, vachifungidzira kuti ane zvaari kuita zvekupandukira hurumende

  6. 20 April 2020

    Aleksandr, Irina, naMatrena vakanzi vanogona kupomerwa mhosva

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Mwari wedu Jehovha, ari kuona uye anokoshesa mushumiri wake mumwe nemumwe akavimbika. Tinoziva kuti acharamba achichengeta hama nehanzvadzi dzedu idzi.—Isaya 49:15.