Enda pane zvauri kuda

20 DECEMBER, 2017
RUSSIA

Nanhasi Shanduro Yenyika Itsva Ichakabhanwa muRussia

Nanhasi Shanduro Yenyika Itsva Ichakabhanwa muRussia

Nhasi dare reLeningrad Regional Court rapa mutongo unotsigira mutongo wakapiwa neVyborg City Court muna August wekubhana Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene iri mumutauro wechiRussian vachiti ibhuku rinokanganisa vanhu. Vanhu vanenge 30 vanga varipo papiwa mutongo uyu, kusanganisira vamiririri vehurumende dzeBritain, Netherlands, Switzerland, neUnited States.

Nyaya yacho payanga ichitongwa, magweta edu apa uchapupu hwakajeka hunoratidza kuti vanhu vakanzi nedare vaongorore Shanduro Yenyika Itsva havana ruzivo nezvenyaya iyi uye kuti vagara vaine divi ravanga vachitsigira. Vanhu ivavo vakati Shanduro Yenyika Itsva harisi Bhaibheri zvinova ndizvo zvakazoita kuti rinzi ibhuku rinokanganisa vanhu.

Vanhu vakaongorora Shanduro Yenyika Itsva vakati haisi Bhaibheri nekuti pairi hapana pakanyorwa kuti Bhaibheri. Asi magweta edu akavaratidza zviri papeji 5 yeShanduro Yenyika yechiRussian yakabudiswa muna 2007 panoti: “Iyi ishanduro itsva yeBhaibheri mumutauro wechiRussian.” Magweta aya akatsoropodza vanhu ava vakaita mazuva 287 vachinzi vaiongorora Shanduro Yenyika Itsva, asi vakatadza kuona mashoko iwayo ari pachena mundima yechitatu yemashoko ekusuma.

Paakabvunzwa, mumwe wevanhu ava vakagadzwa nedare kuti vaongorore Shanduro Yenyika Itsva akati hatingati iBhaibheri nekuti harina kunyora kuti “rakakomborerwa nevakuru vechechi” uye harienderani shoko neshoko nemamwe maBhaibheri akanyorwa kudaro. Vanhu ava vakatiwo zita raMwari rekuti Jehovha harifaniri kunge riri muBhaibheri uye Shanduro Yenyika Itsva haitsigiri dzimwe dzidziso dzechechi. Mutongi akaramba zvakataurwa nemagweta edu zvekuti patsvagwe vamwe vanhu vasina divi ravanotsigira kuti vaongorore zvakare Shanduro Yenyika Itsva.

Sezvo chikumbiro chehama dzedu chekuti nyaya iyi itongwe zvakare charambwa nedare, hapana rimwe dare remuRussia ravanokwanisa kukwidza nyaya yacho kwariri saka vachaiendesa kudare reEuropean Court of Human Rights.

Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvine chokwadi chekuti hapana sangano rinokwanisa kuparadza Shoko raMwari uye kuti zviri kuedza kuitwa kuti risapararira zvichakundikana.—Isaya 40:8.

Media Contact:

International: David A. Semonian, Office of Public Information, +1-845-524-3000