Enda pane zvauri kuda

11 DECEMBER, 2017
RUSSIA

Dare rekuRussia Rinotonga Nyaya Yekuti Bhaibheri Rinonzi “Rinoita Kuti Vanhu Vapandukire Hurumende”

Dare rekuRussia Rinotonga Nyaya Yekuti Bhaibheri Rinonzi “Rinoita Kuti Vanhu Vapandukire Hurumende”

Musi wa6 December 2017, dare reLeningrad Regional Court rakateerera Zvapupu zvichipa uchapupu hwekupikisa mutongo wakapiwa nerimwe dare wekubhana Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro weRussian.

Vakatanga nekuteerera magweta eZvapupu achipikisa mutongo wakapiwa nedare reVyborg City Court, iro rakanga rangopa mutongo zvichibva pamashoko akataurwa nevamwe vakanga vanzi vaongorore Bhaibheri iri. Dare racho harina kana vhesi imwe chete rayakawana muShanduro yeNyika Itsva yakanzi nevaongorori vacho “inoita kuti vanhu vapandukire hurumende.” Asi, rakatsigira zvakataurwa nenyanzvi idzi zvekuti Shanduro yeNyika Itsva “inoita kuti vanhu vapandukire hurumende” nekuti inoshandisa zita raMwari rekuti Jehovha. Magweta eZvapupu akataura kuti zita raMwari ragara richishandiswa muRussia kubva kare uye kuti rinotowanika mune mamwe maBhaibheri. Magweta akapikisawo zvakataurwa nevaongorori vacho vaiti Shanduro yeNyika Itsva haisi Bhaibheri nekuti hapana payakanyorwa kuti Bhaibheri. Magweta acho akaratidza kuti izvi hazvina musoro nekuti mashoko ekutanga ari muShanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa ya2007, anoti: “Iyi ishanduro itsva yeBhaibheri mumutauro wechiRussian.”

Dare reLeningrad Regional Court rakasarudza kumbobvunzurudza vanhu vakaongorora Shanduro yeNyika Itsva uye nyaya yacho yakanzi ichadzoka mudare musi wa20 December 2017, na2:30 masikati.