Enda pane zvauri kuda

20 APRIL, 2017
RUSSIA

Dare Repamusorosoro rekuRussia Rabhana Zvapupu zvaJehovha

Dare Repamusorosoro rekuRussia Rabhana Zvapupu zvaJehovha

NEW YORK—Dare Repamusorosoro rekuRussia rapa mutongo unotsigira zvakataurwa neMinistry of Justice yeko zvekuti masangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha muRussia abhanwe. Mutongo uyu wapiwa pashure pekunge dare iri raita mazuva 6 richitonga nyaya iyi mumavhiki maviri apfuura. Mutongo wapiwa uri kutanga kushanda iye zvino.

Yaroslav Sivulskiy, anotaura achimiririra Zvapupu zvaJehovha muRussia ati: “Tiri kurwadziwa zvikuru nemutongo uyu uye tiri kunetseka kuti uchavhiringidza sei kunamata kwedu.” Aenderera mberi achiti: “Tichakumbira kuti nyaya iyi idzoke zvakare mudare uye tinovimba kuti nekukurumidza tichadzorerwa kodzero dzedu sechitendero chinonamata zvine rugare.”

Zvapupu zvaJehovha zvapiwa mazuva 30 ekuti kana zvisina kugutsikana zvikumbire kudzosa nyaya iyi mudare uye chikumbiro chavo chichaongororwa nevanhu vatatu.

Media Contacts:

International: David A. Semonian, Office of Public Information, +1-845-524-3000

Russia: Yaroslav Sivulskiy, +7-911-087-8009