15 MAY 2023
RWANDA
Mvura Ine Simba Yakanaya Ikakonzera Mafashamo Uye Kuondomoka Kwevhu Kumavirira kweRwanda
Mvura ine simba yakanaya musi wa2 na3 May 2023, yakakonzera mafashamo uye kuondomoka kwevhu kumavirira kweRwanda. Izvi zvakaita kuti vanhu vanopfuura 130 vafe uye zviuru zvevanhu zvakasiya misha yazvo. Mafashamo akaparadza zvirimwa, misha, mabhiriji uye migwagwa.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa kana kukuvara
Dzimba 51 dzakaparadzwa
Dzimba 43 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 2 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi matatu akaumbwa kuti atungamirire basa rekuyamura uye abatsire hama kuti dziwane zvekurarama nazvo
Hama dziri muDare Rebazi, vatariri vematunhu uye vakuru vemunzvimbo yacho vari kukurudzira nekunyaradza vaya vakawirwa nenjodzi iyi
Tinonyengetera kuti Jehovha arambe achitsigira hama nehanzvadzi dzedu dziri muRwanda dziri “munguva yekutambudzika.”—Pisarema 46:1.