Enda pane zvauri kuda

2 JUNE 2023
SLOVAKIA

Bhuku raMateu Rakabudiswa muMutauro weRomany Unotaurwa Nechekumabvazuva kweSlovakia

Bhuku raMateu Rakabudiswa muMutauro weRomany Unotaurwa Nechekumabvazuva kweSlovakia

Musi wa27 May 2023, Hama Jaroslav Sekela, vari muDare reBazi reCzech-Slovak, vakabudisa Bhaibheri—Bhuku raMateu mumutauro weRomany unotaurwa nechekumabvazuva kweSlovakia. Bhaibheri iri rakabudiswa pamusangano unokosha wakaitwa mutaundi reMichalovce riri kumabvazuva kweSlovakia. Vanhu vese vakapinda musangano uyu vakapiwa maBhaibheri akaprindwa uye repafoni rava kuwanikawo.

Hofisi yeshanduro yemutauro weRomany unotaurwa nechekumabvazuva kweSlovakia iri muKošice, kuSlovakia

Mutauro weRomany wakada kufanana nemutauro weBengali, weHindi, uye wePunjabi. Mashoko akawanda ari mumutauro weRomany akabva mune mimwe mitauro inotaurwa munharaunda dzinogara vanhu vechiRomany. Izvi zvinoita kuti chiRomany chinotaurwa nechekumabvazuva kweSlovakia chisiyane nechinotaurwa kune dzimwe nzvimbo. Vashanduri vakafunga nezvekusiyana ikoko pavaishandura bhuku iri reBhaibheri.

Mune rimwe Bhaibheri rakashandurirwa mumutauro weRomany unotaurwa nechekumabvazuva kweSlovakia, vashanduri varo vakabvisa zita raMwari rekuti Jehovha vachibva varitsiva nemashoko ekuti o Raj kana kuti o Del, ayo anoreva kuti “Ishe” kana kuti “Mwari.” Uyewo mamwe mavhesi akaita zvekungonyorwa pfungwa inokosha chete, izvo zvinoita kuti muverengi asanyatsobata pfungwa yaiva muzvinyorwa zvekutanga. Bhuku iri richangobva kubudiswa raMateu rine zita raJehovha uye rakashandurwa zvakajeka uye zvinonyatsonzwisisika.

Mumwe mushanduri akabatsira pakushandura bhuku iri akati: “Kana uchishandura Bhaibheri, zvinokosha kuti ushandure zvakarurama shoko raMwari kuitira kuti vanhu vasvike pakuziva uye kuda Mwari.”

Mumwe mushanduri akatiwo: “Vanhu vanotaura chiRomany vanowanzosarurwa, saka mashoko ari pana Mateu 10:31 anogona kuvanyaradza chaizvo. Anotiyeuchidza kuti Jehovha anocherechedza kunyange tushiri tudiki twaitengwa nemari shoma munguva yaJesu. Kuna Jehovha, tinokosha kupfuura tushiri itwotwo.”

Tine chivimbo chekuti bhuku iri reBhaibheri richabatsira vese vanoriverenga kuti vaone kuti Jehovha anovada uye ane hanya navo.—1 Petro 5:7.