20 DECEMBER 2021
SLOVENIA
Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene Rakadzokororwa Rakabudiswa Mumutauro weSlovenian
Musi wa18 December 2021, Bhaibheri rakadzokororwa reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene rakabudiswa mumutauro weSlovenian. Hama Gerrit Lösch veDare Rinotungamirira vakazivisa nezvekubudiswa kweBhaibheri iri repafoni pamusangano wakarekodhwa uchibva watepfenyurwa kuvanhu vanenge 2 000. Bhaibheri rakaprindwa richange rava kuwanika muna 2022.
MaBhaibheri emutauro weSlovenian akatanga kubudiswa muna 1584. Gore iroro, pakabudiswa Bhaibheri rekutanga rakazara mumutauro weSlovenian rinonzi Dalmatin Bible. PamaBhaibheri aya, 80 chete ndiwo anozivikanwa kuti achiripo, uye rimwe racho riri mumiziyemu iri kumahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, muNew York, U.S.A.
Muna 1925, Hama Franz Brand, avo vaiva Mudzidzi weBhaibheri vakatanga kuparidza mushopu yavaiita zvekugera yaiva muMaribor, kuSlovenia. Gore rimwe chete iroro, boka revanhu vashoma ratanga kuungana richikurukura Bhaibheri. Muna 1930, Vadzidzi veBhaibheri vaiva muSlovenia vakavhura hofisi kuti vatsigire basa rekudzidzisa vanhu Bhaibheri munyika yacho. Hama dzedu muSlovenia dzakava nechiitiko chinofadza muna 2009, Hama Samuel Herd veDare Rinotungamirira pavakazivisa nezvekubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva pagungano rakaitwa muLjubljana, kuSlovenia.
Panguva yeHondo Yenyika Yechipiri uye mumakore akazotevera, Zvapupu zvaJehovha zvemuSlovenia zvakatambudzwa nevaNazi zvikazotambudzwa zvakare nehurumende yeko. Hama dzakawanda dzakasungwa uye vamwe vakatourayiwa. Zvinhu zvakazochinja muna 1953 hurumende yeko payakabvumidza Zvapupu zvaJehovha kunamata zvakasununguka. Mazuva ano kuSlovenia kune Zvapupu zvaJehovha 1 757.
Tine chokwadi chekuti hama nehanzvadzi dzedu dzemuSlovenia dzinobvumirana nemashoko anokurudzira akataurwa naHama Lösch papurogiramu yacho ekuti: “Dzidzirai kushandisa neunyanzvi Bhaibheri iri idzva uye itai kuti vanhu vabatsirwe nemashoko arimo! . . . Kubudiswa kweBhaibheri iri reShanduro yeNyika Itsva rakadzokororwa mumutauro weSlovenian kuchakubatsirai kuti murambe makabatisisa ‘mashoko akatendeka’!”—Tito 1:9.