15 MARCH 2022
SOUTH KOREA
Moto Wakaparadza Zvinhu kuSouth Korea
Kubva musi wa4 March 2022, moto wakapisa maeka 59 288 emasango uye zviuru zvevanhu zvaitofanira kusiya misha yazvo. Moto uyu wakaparadza zvinhu zvakawanda kupfuura mimwe moto yakamboitika kare munyika iyi.
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi 44 vaitofanira kusiya misha yavo
Imba imwe chete yakaparadzwa
Mabasa Ekuyamura
Vaparidzi vari munzvimbo dzakaparadzwa nemoto vari kugara nezvimwe Zvapupu kana kuti neveukama vari munzvimbo dzakachengeteka
Pakaumbwa Komiti Inobatsira Panoitika Njodzi kuti ione nezvebasa rekuyamura hama dzedu
Basa rese riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19
Dai Jehovha akakomborera zvese zviri kuitwa nehama nehanzvadzi idzo dziri kuratidza kuti ishamwari dzechokwadi panguva iyi yakaoma.—Zvirevo 17:17.