Enda pane zvauri kuda

Hama Hye-min Kim nemudzimai wavo, Ha-bin, vari padare reGwangju District Court

7 DECEMBER 2022
SOUTH KOREA

Nyaya Yekushandiswa Zvakaoma Kwevanhu Vanoramba Kupinda Muchiuto kuSouth Korea Inopinda Mudare

Nyaya Yekushandiswa Zvakaoma Kwevanhu Vanoramba Kupinda Muchiuto kuSouth Korea Inopinda Mudare

Musi wa8 December, dare reGwangju District Court rekuSouth Korea richatonga nyaya ine chekuita naHama Hye-min Kim. Hama Hye-min ndivo munhu wekutanga kuramba basa raakapiwa nehurumende kuti aite paakaramba kuita zvechiuto. Vakaramba basa iri nemhaka yekuti rakaoma zvakanyanya. Kana vakanzi vane mhosva vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemwedzi inosvika 36 uye vanobva vatozivikanwa semunhu akapara mhosva.

KuSouth Korea, vanhu vanenge varamba kuenda kuchiuto vanonzi vashande kwemwedzi 36 nepo vaya vanoenda kuchiuto vanongoenda kwemwedzi 18 chete. Hapana imwe nyika inoita kuti vanhu vashande kwenguva yakareba zvakadaro. Pavanenge vachishanda saizvozvo kwemakore aya matatu, vaya vanenge varamba kuenda kuchiuto nemhaka yehana yavo vanogariswa padzimba dziri pamajeri, havabvumidzwi kufamba-famba kana kuita zvimwe zvinhu. Saka vaongorori vakati zviri kuita sekuti mabasa aya ari kupiwa vanhu kuti vaite kuSouth Korea kana varamba kuenda kuchiuto ratova jeri chairo. a

Pachisarudzo chakaitwa musi wa28 June 2018, dare reConstitutional Court of South Korea, parakaona kuti Bumbiro reMutemo wekuSouth Korea rinodzivirira kodzero dzevanhu vasingakwanisi kuenda kuchiuto nemhaka yehana dzavo, rakayambira vanhu vaizoona nezvemabasa anopiwa vanhu vacho richiti: “Kana mabasa anopiwa vanhu vacho akaoma kana kuti nguva yavanonzi vamaite yakareba zvekuti zvinovaomera kusarudza, zvinenge zvangofanana nekuti kana ukaramba kuenda kuchiuto unorangwa, izvo zvinotyora kodzero dzevanhu.”

Muna 1998, sangano reUnited Nations Commission on Human Rights rakataura kuti mabasa anopiwa vaya vanenge varamba kuenda kuchiuto nemhaka yehana dzavo anofanira kunge akaita sei. Nyika dzinoti vanhu vese vanofanira kudzidziswa zvechiuto dzakayeuchidzwa kuti dzive neurongwa hwekuti vaya vasingakwanisi nemhaka yehana dzavo, vapiwe mamwe mabasa “anobatsira vanhu kwete anoita sekunge kuti vari kurangwa.”

Aka hakasi kekutanga kuti Hama Hye-min vapomerwe mhosva. Muna September 2020, dare reSupreme Court rekuSouth Korea rakavati havana mhosva uye rakati vaisakwanisa kuenda kuchiuto nemhaka yehana yavo. Papera mavhiki, vakanyorera kuti vapiwe rimwe basa risiri rechiuto. Vakazoshevedzwa kuti vaite basa racho musi wa7 February 2022. Asi pashure pekunge vanyatsoongorora basa racho uye vaona kuti rakaoma zvisingaiti, vakaramba kuriita.

Kana dare rikati Hama Hye-min havana mhosva, zvinogona kuita kuti hurumende iongorore zvakare kuti mabasa airi kupa vanhu vanenge varamba kuenda kuchiuto, anoenderana here nezvinotarisirwa kuti nyika dzese dziite. Izvi zvingabatsira chaizvo hama dzedu uyewo vamwe vanhu vese muSouth Korea. Iye zvino, tinonyengeterera kuti dai vese vari kubatwa-batwa nenyaya dzakadai varamba vachivimba naJehovha kuti avabatsire kuramba ‘vachitsungirira zvinhu zvese vaine mwoyo murefu nemufaro.’—VaKorose 1:11.

a Kuti uwane mamwe mashoko, ona chinyorwa chakanzi “Alternative Civilian Service in South Korea,” chakanyorwa nesangano reAsia-Pacific Association of Jehovah’s Witnesses.