Enda pane zvauri kuda

Chivakwa chinonzi Palacio de las Cortes chiri kuMadrid, muSpain, ndipo panosangana Congress of Deputies yemuSpain

24 MAY 2023
SPAIN

Spain Yakati Zvapupu zvaJehovha Zvisabhadhara Mutero

Spain Yakati Zvapupu zvaJehovha Zvisabhadhara Mutero

Musi wa26 April 2023, hurumende yeSpain yakabvumira kuti mutemo une chekuita nemutero ugadziridzwe. Chisarudzo ichi chichabatsira Zvapupu zvaJehovha zviri muSpain munzira dzakawanda.

Chisarudzo chakaitwa nehurumende yeSpain chinoreva kuti sangano redu harichafaniri kubhadhara mutero panzvimbo dzese dzinoshandiswa pakunamata munyika iyoyo. Izvi zvinorevawo kuti vaya vanopa mari yezvipo yekutsigira basa reZvapupu zvaJehovha havachabatirwi mutero pamari yavanopa. Maererano nedare reEuropean Court of Human Rights, kuchinja kwaita mutemo uyu kunotoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha chitendero chinozivikanwa.

Hama Joan Comas (kuruboshwe), mumiririri webazi reZvapupu zvaJehovha muSpain, vaina Mr. Félix Bolaños (kurudyi), vekuMinistry of the Presidency

Zvapupu zvaJehovha zvemuSpain zvakatanga kuzivikanzwa sechitendero chepamutemo muna June 2006, asi vakanga vachiri kufanira kubhadhara mitero kunyange zvazvo zvimwe zvitendero zvisingabhadhare mitero yacho. Hama dzedu dzakaramba dzichikumbira kuti dzipiwe kodzero dzaiva nezvimwe zvitendero.Musi wa24 April 2023, veMinistry of the Presidency vakakumbira kuita musangano nevamiririri veZvapupu zvaJehovha. Pamusangano wacho, hama dzedu dzakaudzwa kuti mutemo une chekuita nemitero kumasangano asingaitiri zvinhu kuwana mari kana purofiti waizogadziridzwa, uye Zvapupu zvaJehovha zvaizova pakati pevaizobatsirwa nekugadziridzwa kwemutemo wacho. Pashure pemazuva maviri, musi wa26 April 2023, Congress of Deputies yakabvuma kuti mutemo wacho ugadziridzwe. Mutemo wakagadziridzwa uchatanga kushanda muna June 2023.

Tinofadzwa nechisarudzo ichi chinokosha chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvemuSpain zviwedzere kuva nerusununguko rwekunamata.—VaFiripi 1:7.