Enda pane zvauri kuda

3 FEBRUARY 2022
TAJIKISTAN

Komiti yeUN Inoti Kodzero dzaHama Tierri Amedzro Dzakatyorwa muTajikistan

Komiti yeUN Inoti Kodzero dzaHama Tierri Amedzro Dzakatyorwa muTajikistan

Musi wa14 December 2021, Komiti yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu, United Nations Human Rights Committee yakapa mutongo wekuti Tajikistan yakatyora kodzero dzaHama Tierri Amedzro nekuvasunga uye kuvadzinga munyika vachivaendesa kuKazakhstan.

Komiti yacho yakati kusungwa kwaHama Amedzro kwaisava pamutemo uye kwaityora chibvumirano cheUN International Covenant of Civil and Political Rights. Yakatiwo hurumende haina kodzero yekurambidzaTierri kudzoka kuTajikistan kana achida hake. Iye zvino hurumende yeTajikistan “yava kufanira kuita zvese zvainokwanisa kuti isatyora zvakare kodzero dzemunhu.”

Musi wa4 October 2018, mapurisa ekuTajikistan akapinda nechisimba mune imwe imba yaiva neZvapupu zvaJehovha zvaiita musangano. Mapurisa akasunga Tierri uye akanomubvunzurudza kumahofisi makuru eTajikistan State Committee on National Security. Musi wa16 October 2018, mutongi akati Tierri aiva nemhosva yekugara muTajikistan zvisiri pamutemo. Tierri chizvarwa chekuRussia uye akanga ari kushanda kuTajikistan.

Mutongi akaita kuti Tierri abhadhariswe faindi ndokubva ati abudiswe munyika yacho.

Tierri anoti: “Ndinovimba kuti chisarudzo chaitwa neUnited Nations Human Rights Committee chichaita kuti zvinhu zvivandudzike panyaya yerusununguko rwekunamata muTajikistan, uye hama dzedu dzichakwanisa kunamata Jehovha dzakasununguka.”

Panguva ino muTajikistan mune hama imwe chete yakasungirwa kutenda kwayo.

Tine chokwadi chekuti Jehovha achaita kuti hama dzedu dziri kutsungirira matambudziko dzirambe dziine rugare.—Isaya 26:3.