Enda pane zvauri kuda

13 OCTOBER 2022
TAJIKISTAN

United Nations Human Rights Committee Yakati Kubhanwa kweZvapupu zvaJehovha muTajikistan Hakusi Pamutemo

United Nations Human Rights Committee Yakati Kubhanwa kweZvapupu zvaJehovha muTajikistan Hakusi Pamutemo

Musi wa7 September 2022, United Nations Human Rights Committee (CCPR) yakabudisa chisarudzo chinokosha chaizvo chine chekuita nezvekubatwa zvisina kunaka kwange kuchiitwa Zvapupu zvaJehovha muTajikistan. Musi wa7 July 2022, panyaya yaAdyrkhayev neTajikistan, CCPR yakapa mutongo unotsigira Zvapupu zvaJehovha. Nyaya iyi yaibata-bata kuramba kwakaita Tajikistan kunyoresa Zvapupu zvaJehovha zviri pamutemo uye kubhana kwayakaita mabasa eZvapupu zvaJehovha.

Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore 50 zvichiita basa razvo muTajikistan. Sangano reZvapupu zvaJehovha rinonzi Religious Association of Jehovah’s Witnesses (RAJW) rakanyoreswa zviri pamutemo muna 1994. Asi musi wa11 October 2007, bazi rehurumende reMinistry of Culture rakadzima kunyoreswa kwacho richibva rabhana kunamata kweZvapupu zvaJehovha. Hurumende yakati Zvapupu zvaJehovha zvinokanganisa magariro evanhu nekuparidza kuzvinoita, kuramba kwazvinoita kupinda muchiuto, uye kutaura kwavanoita kuti ndivo chitendero chechokwadi. Kunyange zvazvo Zvapupu zvakaedza zvaedzazve kunyoresa sangano ravo reRAJW, zvairambirwa.

Pamutongo uchangobva kupiwa, CCPR yakati kubhanwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha muTajikistan hakusi pamutemo. Yakati pane zvikonzero zvakapiwa nehurumende yeTajikistan zvebhana sangano reRAJW uye kuramba kurinyoresa zviri pamutemo, “hapana kana chikonzero” chine musoro.

Komiti yeCCPR yakatiwo kuramba kwehurumende yeTajikistan kunyoresa sangano reRAJW kwakaita kuti pave “nekusungwa, kuvharirwa, kubvunzurudzwa, kusechwa, kurohwa, kutorerwa mabhuku, uyewo kudzingwa munyika [kwemumwe] weZvapupu zvaJehovha.” Nemhaka yekusabatwa zvakanaka uku, CCPR yakati kodzero dzeZvapupu zvaJehovha pasi pechibvumirano chinonzi United Nations International Covenant on Civil and Political Rights dzakatyorwa.

Hama Shamil Khakimov, avo vane makore 71, vakavharirwa mujeri muna February 2019

Komiti yeCCPR yakarayira kuti hurumende yeTajikistan inofanira kuongororazve chikumbiro chekunyoreswa kweZvapupu zvaJehovha uye kuti inofanira kuripa nemari vese vayakabata zvisina kunaka ichityora kodzero dzavo. Hurumende yeTajikistan yakaudzwawo kuti “inofanira kuona kuti yatora matanho ekuti kodzero dzevanhu dzisatyora zvakare saizvozvo mune ramangwana.”

Chisarudzo cheCCPR chinogona kubatsira panyaya yaHama Shamil Khakimov, avo vane makore 71, vakavharirwa mujeri muna February 2019 nemhaka yezvavanotenda. Chikonzero chega chakaita kuti hurumende yeTajikistan ivasunge ndechekuti yaiti Zvapupu zvaJehovha zvakabhanwa.

Tine tariro yekuti chisarudzo cheCCPR chichaita kuti Zvapupu zvaJehovha zviri muTajikistan zvikwanise kunamata zvakasununguka. Tinonyengeterera chikomborero chaJehovha pane zvese zviri kuedza kuitwa pakudzivirira “mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.”—VaFiripi 1:7.