Enda pane zvauri kuda

Vanhu vakazvipira kuita basa pabazi rekuThailand. Pamusoro: Vamwe vakamboita basa rekuvaka vava kushumira pabazi rekuThailand. Pazasi: Mumwe akamboita basa rekuvaka (pakati) achipinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo

28 JUNE 2023
THAILAND

Kumbomira Kwakaita Basa Rekuvaka paBazi rekuThailand Kwakaita Kuti Pave Nemakomborero Anoshamisa

Kumbomira Kwakaita Basa Rekuvaka paBazi rekuThailand Kwakaita Kuti Pave Nemakomborero Anoshamisa

Basa rekuvaka nekugadziridza bazi rekuThailand rakatanga muna 2019 uye raiitwa nehama nehanzvadzi dzemunyika yacho uye dzekune dzimwe nyika dzakanga dzazvipira. Asi pakatanga chirwere cheCOVID-19, hama nehanzvadzi dzese dzakanga dzazvipira dzaibva kune dzimwe nyika dzakadzokera kunyika dzavo kukangosara 8 chete. Vanhu pavakanga vava kukwanisa kufamba, basa rakabva ratangazve. Dzimwe hama dzemunyika yacho dzakakokwa kuti dzizodzidziswa uye kuti dzibatsire pakupedzisa basa racho. Basa rakanga rasara rakazopedziswa musi wa30 April 2023.

Hama Setthasat Tawansirikul nemudzimai wavo Waraporn ndevamwe vemunyika yacho vakakokwa kuti vazobatsira. Pakutanga vainetseka nekuti vakanga vasina ruzivo. Setthasat anoti: “Patakangosvika, takadzidziswa kuti basa racho rinoitwa sei.”

Mufaro uye kugutsikana kwakaita vakashanda pabasa iri kwakaita kuti vakawanda vemunyika yacho vazvipire kuita mamwe mabasa enguva yakazara. Vamwe vava kushanda pamabasa ekuvaka akasiyana-siyana ari kuitwa mundima yebazi reThailand. Imwe hanzvadzi iri kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Vamwe vava kushanda paBheteri. Mumwe wavo achangobva kutanga kushanda paBheteri ndihama Rapeepat Woradetsakul. Vanoti: “Kuona kubatsirwa kwandaiitwa naJehovha pataiita basa rekuvaka kwakaita kuti ndibvume kukokwa kuBheteri. Ndine chokwadi chekuti Jehovha achandibatsira pabasa rangu iri idzva.”

Pikicha iri kuratidza bazi rekuThailand ragadziridzwa. Pamusoro: Mukati memahofisi akagadziridzwa. Pakati: Chivakwa chitsva chinoshandiswa nevanogadzira zvinhu zvinenge zvafa uye chekuchengetera zvinhu. Pazasi: Nzvimbo itsva yekupaka motokari

Basa rekuvaka nekugadziridza raiitwa pabazi rekuThailand raisanganisira kugadziridza dzimba dzekugara nemahofisi, kuvaka chivakwa chinoshandiswa nevanogadzira zvinhu zvinenge zvafa uye chekuchengetera zvinhu, uye kuvaka nzvimbo itsva yekupakira motokari. Pakatengwawo zvivakwa 6 zvaiva pedyo nebazi zvikagadziridzwa kuitira kuti vanoshanda paBheteri vawane pamwe pekugara.

Tiri kufara kuti hama nehanzvadzi dzedu dzekuThailand dzakazvipa nemwoyo unoda pakuita basa raJehovha uye vari kuona kuti mashoko ari pana Pisarema 34:8 ndeechokwadi anoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.”