Enda pane zvauri kuda

31 DECEMBER 2021
THAILAND

Nharireyomurindi Yava Nemakore 75 Ichibuda Mumutauro wechiThai

“Ivai Nekutenda Muna Jehovha Uye Shandai Nesimba. Mukadaro, Muchawana Anoshandurira muchiThai”

Nharireyomurindi Yava Nemakore 75 Ichibuda Mumutauro wechiThai

Musi wa1 January 2022, Nharireyomurindi yechiThai inenge yava nemakore 75 ichibudiswa mumutauro uyu.

Mashoko akanaka akatanga kuparidzwa munyika yeThailand muna 1931. Mumakore ekutanga, hama dzakaparidza dzikapa vanhu zviuru zvemabhuku mumutauro weChinese, Chirungu, uye chiJapanese. Panguva iyoyo, bhuku rinonzi Protection ndiro rega rainge rakashandurwa mumutauro wechiThai.

Hama nhatu dzekune dzimwe nyika dzakanga dzichipayona muThailand dzakaona kuti kana vachida kunyatsosvika pamwoyo yevanhu, vanofanira kuva nemabhuku echiThai. Hama Willi Unglaube vakanyorera hama Rutherford tsamba vachikumbira kubatsirwa. Hama Rutherford vakapindura vachiti: “Ivai nekutenda muna Jehovha uye shandai nesimba. Mukadaro, muchawana anoshandurira muchiThai.”

Muna December 1939, hama Kurt Gruber nahama Willi Unglaube vaiparidzira nechekuchamhembe kweThailand. Mumwe mukadzi anonzi Chomchai Inthaphan, uyo aiva mukuru wechikoro chinonzi Presbyterian Girls’ School muChiang Mai, akaona bhuku reChirungu rakanga richipiwa vanhu nahama Gruber nahama Unglaube. Mukadzi uyu aigona Chirungu nechiThai, uye paakariverenga akanyatsoona kuti akanga awana chokwadi.

Chomchai Inthaphan

Chomchai akabva asiya chechi yake uye akabuda basa pasinei nekupikiswa kwaakaitwa. Chikoro chakamboedza kumunyengerera vachiti vaizomuwedzera mari yakawanda, asi akaramba achibva abhabhatidzwa seChapupu chaJehovha. Bhuku rekutanga raakashandura muchiThai rainzi Salvation. Ndiye aiva mumwe wevanhu vakatanga kugara paBheteri muBangkok, uye kwemakore akawanda akashanda ipapo achiita basa rekushandura ari ega. Nekufamba kwenguva, vamwe vakadzi vakagamuchira chokwadi vachibva vatanga kubatsirawo pabasa rekushandura.

Hondo Yenyika Yechipiri payakatanga, basa rekushandura mabhuku muchiThai rakabva rambomira, asi hondo payakangopera rakabva ratangazve. Muna January 1947, Nharireyomurindi yechiThai yakatanga kushandurwa, uye pakaprindwa makopi 200 pachishandiswa muchina unonzi mimeograph waiva paimba yemamishinari. Vakaramba vachishandisa muchina uyu pakuprinda kusvikira muna 1952, pavakatanga kubudisa makopi 500 pamwedzi. Hama dzakazotanga kushandisa imwe kambani kuprinda magazini. Muna September 1993, hofisi yebazi rekuJapan yakatanga kuprinda Nharireyomurindi neMukai! dzechiThai.

Hama nehanzvadzi dzinoita basa rekushandura muchiThai neMutauro Wemasaini wekuThailand

Iye zvino pane hama nehanzvadzi 80 dzinobatsira pabasa rekushandura dzinoshanda dziri hofisi yebazi muThailand uye pamahofisi maviri eshanduro. MuThailand, Nharireyomurindi iri kushandurwawo mumitauro inoti: Akha, Lahu, Laotian, uye Mutauro Wemasaini wekuThailand.

Vaparidzi vanopfuura 5 000 vari mundima yebazi reThailand vanotenda Jehovha nemhaka yekuva neNharireyomurindi mumutauro wavo.—Zvirevo 10:22.