Enda pane zvauri kuda

Hama nehanzvadzi dzedu dzakahwanda muKharkiv, kuUkraine, paiputika mabhomba

3 MARCH 2022
UKRAINE

Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Musi wa24 February 2022, Russia yakarwisa Ukraine. Kune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 129 000 zvinogara muUkraine nevana vavo. Hofisi yebazi yakaronga kuti Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27, ape hama nehanzvadzi dzedu zvadzinoda pakurarama. Uyewo, panguva iyi yakaoma hama nehanzvadzi dziri kuratidza rudo rwechiKristu nekupa vavakidzani uye vavanonamata navo zvavanoda pakurarama uye kuvanyaradza.

Hama nehanzvadzi dzakawanda dzichiri muUkraine, asi vamwe vakasarudza kutizira kune dzimwe nyika. Vakasarudza kutiza vaitofanira kumira mitsetse yakareba makiromita 30 uye vakaita mazuva anoda kusvika 4 kuti vadhindirwe mapepa avo pabhodha. Vaparidzi vanogara pedyo vaitsvaga hama nehanzvadzi dzaiva pamitsetse iyi vachivapa zvekudya nezvimwewo zvavanoda. Pavaizoyambuka, vaigamuchirwa neZvapupu zvainge zvakabata makadhi akanzi JW.ORG, uye vaizovanyaradza nekuvapa zvavanoda pakurarama.

Hanzvadzi dziri muPoland (kuruboshwe) uye muSlovakia (kurudyi) dzakamirira kugamuchira hama nehanzvadzi dziri kutiza muUkraine

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hama Petro Mozul, vaiva matsi uye mushumiri weungano muKharkiv, vakafa pakaputika bhomba

    Zvinosuwisa kuti musi wa1 March 2022, hama imwe chete yemuKharkiv iri matsi yakafa pakaputitswa bhomba uye mudzimai wayo akakuvara zvakaipisisa

  • Uyewo, hanzvadzi 3 dzakakuvara

  • Vaparidzi vanodarika 5 000 vaitofanira kusiya misha yavo

  • Dzimba 2 dzakaparadzwa

  • Dzimba 3 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 35 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 2 dzakakanganisika

  • Vaparidzi vakawanda havana magetsi nemvura uye munzvimbo dzakawanda mafoni haasi kushanda

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine

  • Vaparidzi 867 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi ari kushanda nesimba kupa zvekudya, mvura uye zvimwe zvinodiwa pakurarama

Manhamba ari kutaurwa pamusoro apo akabva pamishumo yatakagamuchira pekutanga.

Tinonyengetera kuti hama nehanzvadzi dzedu dzirambe dzichiratidza uchenjeri uye kunzwisisa pavari kutsungirira mamiriro aya ezvinhu akaoma vachiratidzana rudo rwechiKristu.—Zvirevo 9:10; 1 VaTesaronika 4:9.