Enda pane zvauri kuda

23 JUNE 2022
UKRAINE

Kuenda Kunzvimbo Yakachengeteka

Kupona Kwandakaita muUkraine—Anastasia Khozyainova

Kuenda Kunzvimbo Yakachengeteka

Musi wa24 February 2022, ndakamutswa neruzha rwaiitika kunze. Pakutanga ndakafunga kuti imheni nekuti kwainaya, asi akanga ari mabhomba.

Ndaigara nechepakati peguta reMariupol uye ndakatozoona kuti ndaitofanira kutiza. Mangwana acho, ndakaenda kumba kwambuya vangu, Iryna, avo vanogara nechekunze kweguta. Amai vangu, Kateryna, vakazouyawo kumba kwambuya kwandakanga ndiina ambuya neimwewo hama yedu yataiva nayo. Takamboti garei asi takaita mazuva tichirara muimba iri pasi pevhu (basement).

Rimwe zuva, patakanga takahwanda mubasement bhomba rakaputikira mugadheni medu. Rakaita ruzha rusingaiti. Ndakanyengetera kuna Jehovha. Pashure pevhiki rimwe chete, takaona kuti zvaiva nani kuti tidzokere kuMariupol tonotsvaga nzira yekuti titizire kure. Ndakakumbira Jehovha kuti atichengetedze uye atibatsire kubuda muguta racho.

Mangwanani emusi wa4 March kwakanga kusina zvitima zvaibuda muMariupol nekuti guta racho rakanga rakakombwa. Saka takaita mazuva 10 tichigara pane chimwe chivakwa chinoonerwa mafirimu chakanga chakazara nevanhu. Tairara pasi nemhaka yekuwanda kwakanga kwakaita vanhu. Nzvimbo yacho yakanga isina utsanana, uye zvakanga zvakaoma kuti tiwane zvekudya uye mvura inodziya. Taitofanira kuita maawa takamira mumitsetse.

Mumwe musi, bhomba rakaputika pedyo nechivakwa chataiva. Mahwindo akabva atsemuka uye chando chakatanga kupinda.

Anastasia nambuya vake Iryna neimwe hama yavo Andrii

Chii chakandibatsira panguva iyi yainge yakaoma? Nyaya yaJobho. Pandaiona vanhu vachitya paiputika mabhomba, ndaibva ndaverenga nyaya yaJobho uye zvaiita kuti ndinzwe zviri nani. Zvaiita sekuti ndakagara naJobho wacho, ndichimuudza kuti: “Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa kunetseka kwawaiita!” Jobho akarwara, akafirwa nevana uye pfuma yake yakaparara. Ini ndakanga ndangorasikirwa nezvinhu chete. Vanhu vemumba medu ndaiva navo uye taiva neutano hwakanaka. Ipapo ndipo pandakabva ndaiona kuti zvinhu zvakanga zvisina kunyanya kundiipira. Ndakabva ndatanga kunzwa zviri nani.

Musi wa14 March, takanzwa kuti pane boka revanhu vakanga vakwanisa kutiza muMariupol. Saka takabva tafungawo kuti tichibuda. Tine vamwe vatakabuda navo pataigara uye takawana chekufambisa.

Paiva nemota 20 dzaiva dzakaita mudungwe dzichibuda muguta racho. Takapinda mune imwe mota diki inotakuriswa zvinhu uye taiva takatsikirirana tiri 14. Mabhomba aiputika kumativi kwemugwagwa pataipfuura. Ndakanyengetera kakawanda. Patakasvika kunze kweguta, murume aidhiraivha mota yataiva akamira, akabuda mumota akatanga kuchema. Akanga akwanisa kunzvenga zvimbambaira zvese zvaiva munzira. Takazonzwa kuti pashure pemazuva maviri tatiza, chivakwa chataiva chakabhombwa, pakafa vanhu vanenge 300.

Pashure pemaawa 13, takasvika muguta reZaporizhia. Mangwana mangwanani, takakwira chitima kuenda kuguta reLviv. Munowanzogara vanhu 4 makanga muine vanhu 16. Maipisa zvisingaiti. Ndakaita rwendo rwacho rwese ndakamira mukoridho nekuti ndipo pega pawaikwanisa kutombowana mhepo yekufema. Musi wa16 March, takasvika kuLviv, tikatambirwa zvakanaka nehama nehanzvadzi. Takaita mazuva 4 akatevera tichigara pane imwe Imba yeUmambo. Ndakabuda misodzi pandaiona rudo rwatairatidzwa nehama nehanzvadzi. Ichi chaiva chipo chatakapiwa naJehovha.

Musi wa19 March, takabva tabuda muUkraine tichienda kuPoland. Mhuri yedu yese yakagamuchirwa zvakanaka nehama nehanzvadzi. Vakatipa zvese zvataida. Hama dzakatiratidza rudo.

Ndingori nemakore 19 chete, asi matambudziko aya andakasangana nawo akandidzidzisa kuti zvinokosha kusimbisa kutenda kwako zvinhu pazvinenge zvakanaka. Kutenda kunokubatsira kutsungirira. Kudai ndakanga ndisingadzidzi Bhaibheri ndiri ndega hondo isati yatanga, zvingadai zvakanyanya kundiomera.

Jehovha ndiBaba vane rudo. Panguva yese iyi, ndainzwa sekuti akanga akabata ruoko rwangu rwerudyi achinditungamirira. Ndinoshaya kuti ndonyatsotenda sei Jehovha nezvese zvaakandiitira.—Isaya 41:10.