8 MARCH 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #1 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
Hondo iri kuramba ichiitika muUkraine iri kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dziri mumaguta akadai seMariupol, Kharkiv, Hostomel, nemamwewo dziomerwe chaizvo. Vamwe vatova nevhiki vasiri kukwanisa kubuda mudzimba dzavo kana kuti munzvimbo dzavakahwanda. Zvekudya zviri kuita zvishoma uyewo dambudziko rekushaya magetsi nenetiweki riri kuita zvitiomere kugara tichikurukura nehama nehanzvadzi dzedu.
Zvinosuwisa kuti hama Dmytro Rozdorskyi, vanga vaine makore 28 uye vari mukuru muungano kuMyrnohrad, vakashaya nemhaka yekukuvara kwavakaita pashure pekunge vatsika chimbambaira. Tinonyengeterera vese vakashayikirwa uye hama nehanzvadzi dzedu dziri munzvimbo dziri kubhombwa.—2 VaTesaronika 3:1.
Pakazosvika musi wa7 March 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine:
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi vaviri vakashaya
Vaparidzi 8 vakakuvara
Vaparidzi 20 617 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzichiri nani muUkraine imomo
Dzimba 25 dzakaparadzwa
Dzimba 29 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 173 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 5 dzakakanganisika
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine
Vaparidzi 6 548 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka
Vaparidzi 7 008 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu
MuUkraine Imba Yemagungano imwe chete uye Dzimba dzeUmambo dzinenge 30, dziri munzvimbo dzakadai seChernevtsi, Ivano-Frankivsk, Lviv, nenharaunda dziri kuTranscarpathian dziri kushandiswa kugamuchira vapoteri