Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Olena vari pamberi peimba yavo, iyo yakaparadzwa pakaputika bhomba. Hama nehanzvadzi dzakakurumidza kuuya kuzovabatsira

4 JULY 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #10 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Vakuru “Vari Kuratidza Ushingi Nerudo Uye Tinovimba Navo”

NYAYA IYI PAYAVA #10 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Hama nehanzvadzi dzekuUkraine dziri kuramba dzichibatsira vamwe vavanonamata navo. Vari kunyatsoratidza rudo runobva pasi pemwoyo.

Hanzvadzi Olena vane makore 81. Musi wa6 June pane bhomba rakaputikira pedyo neimba yavo. Rakaparadza imba yemuvakidzani wavo, pachibva paita zigomba rakadzika mamita 7. Bhomba racho raiva nesimba zvekuti rakaparadza imba yahanzvadzi Olena.

Hanzvadzi Olena vakati: “Ndakanga ndakarara, uye mudhuri wakadhirikira padhuze nemusoro wangu. Mumba makabva mazara guruva. Magirazi nematombo zvakati mwarara mumba. Ndakatenda Jehovha kuti ndakanga ndiri mupenyu.” Pashure pemaminitsi mashoma izvi zvaitika hama nehanzvadzi dzaigara pedyo dzakauya kuzoona kuti hanzvadzi Olena vari sei. Imwe hama yakanga yaparadzirwawo imba yayo yakauyawo. Hanzvadzi Olena vakati: “Hama dzakapererwa padzakasvika. Vakashaya chekutaura. Kuuya kwavakaita kwakandikurudzira chaizvo. Ndakafara kuziva kuti hama dzangu dzinondida.”

Mumwe mukuru muungano anonzi Serhii, anogara achishanyira hanzvadzi Olena aine vamwe vechidiki vemuungano. Anoti: “Pandakanzwa kuti pane bhomba raputika padhuze nepamba pahanzvadzi Olena, ndakavhunduka uye ndakanetseka chaizvo. Pandakazoona kuti havana kunyanya kukuvara, vakanga vangokuzvuka, ndakanzwa kugadzikana. Munoziva, chinhu chekutanga chakatsvagwa nahanzvadzi Olena pashure pekunge imba yavo yaparadzwa, aiva mabhuku esangano avakanga vachangobva kupiwa.”

Hama dzavo dzeukama dzakabva dzavatsvagira pekugara pakanaka. Ungano iri kuramba ichivabatsira uye vakuru vemuungano mavo vanogara vachitaura navo zuva rimwe nerimwe. Hama nehanzvadzi dzakavatsvagira mahearing aids anovabatsira pakunzwa ekuti vashandise pamisangano. Vanoti: “Dzimwe nguva ndinonzwa ndisina simba, asi ndikapinda misangano ndinobva ndanzwa ndava nesimba. Hama nehanzvadzi dzandinonamata nadzo dzinogara dzichindifonera uye ndinovatenda chaizvo.”

Imwe mhuri ichiri kuyeuka zvakaitika kwavari pavaigara muimba iri pasi pevhu (basement) pane imwe Imba yeUmambo vari 200 nevamwe vaparidzi. Mudzimai wacho akati: “Ndakabayiwa mwoyo nerudo rwairatidzwa nevakuru. Zvavaiita zvakandiyeuchidza nezvaDhavhidhi uyo akapotsa aurayiwa paairwisana neshumba uye nebheya achiitira kuti aponese makwai. Vakuru vataigara navo mubasement vaiisa upenyu hwavo pangozi vachibuda kunotsvaga zvekudya, mvura uye mafuta ekuzobatidzisa maraiti. Izvi zvakaita kuti tikwanise kupinda misangano yeungano uyewo misangano yebasa rekuparidza. Kunyange mabhomba paairamba achiputika, vakuru ava vaigara vachishanyira hama nehanzvadzi dzakanga dzaramba dziri mudzimba dzisina kutiza. Vaivanyaradza uyewo vaivavigira zvekudya nemvura. Kukoshesa uye kuremekedza kwandinoita vakuru kwawedzera. Hondo isati yaitika, ndaingovaona sevadzidzisi uye vaparidzi vemashoko akanaka eUmambo asi iye zvino ndava kuvaonawo sevafudzi vatinogona kuvimba navo. Vari kuratidza ushingi nerudo uye tinovimba navo. Ndinovatenda chaizvo!”

Vamwe vaparidzi vemune imwe ungano kuUkraine vakanyorera bazi rekuUkraine tsamba vachitaura nezvehama dziri kutungamirira pakupa ruyamuro vachiti: “Tinokutendai chaizvo zvinobva pasi pemwoyo. Tinoshamiswa patinoona zvinoitwa naJehovha achitichengeta achishandisa hama nehanzvadzi dzedu. Tiri kunyatsoona kuzadzika kwezvakataurwa naJesu paakati: ‘Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.’”—Johani 13:35.

Pakazosvika musi wa21 June 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Mushumo uyu uri kubva pane zvakataurwa nehama dziri munyika iyi. Asi nhamba dzacho dzinogona kunge dzakatokura kudarika ipapa sezvo zvakaoma kuti tigare tichiwana mashoko kubva kumativi ese ari munyika yacho.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 42 vakashaya

  • Vaparidzi 83 vakakuvara

  • Vaparidzi 31 185 vakatiza misha yavo

  • Dzimba 495 dzakaparadzwa

  • Dzimba 557 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 429 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 5 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 8 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 34 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine

  • Vaparidzi 52 348 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka

  • Vaparidzi 23 433 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu