Enda pane zvauri kuda

Vaparidzi vaviri vari kuparidza nechingoro muUkraine

18 JULY 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #11 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

“Kuita Zvakanaka” Munyika Ine Hondo

NYAYA IYI PAYAVA #11 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Hama nehanzvadzi kuUkraine, vari kufara zvisingaiti nemhaka yekuti vava kukwanisa kuparidza pachena zvekare uye pane zvinhu zvinokurudzira zvavari kusangana nazvo. Vatariri vematunhu nevakuru, vari kuti vanhu vari kufara chaizvo kuona zvingoro uye vari kuti vakanga vasuwa Zvapupu zvaJehovha.

Tatiana anopinda neungano yeSerhiivka iri munharaunda inonzi Odesa, akashanyira vanhu vaakanga ambotaura navo COVID-19 isati yatanga. Anoti, “Kubva musi wekutanga chaiwo, ndainyatsoona ruoko rwaJehovha pabasa redu rekuparidza.” Mumwe musi akashanyira mumwe mukadzi akanga amboramba kudzidza Bhaibheri COVID-19 isati yatanga. Iye zvino mukadzi uyu akanga ava kuda kuziva zvinotaurwa neBhaibheri uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Tatiana anoti, “Ndiri kuda kushanyira vese vakamboratidza kufarira ndonzwa kana vangada kudzidza Bhaibheri!”

Yevheniy naLilia vakabva kwavaigara kuMariupol vachitiza hondo uye iye zvino vari kugara kune imwewo nzvimbo isina hondo imomo muUkraine. Vese vanogara vachiparidza. Vanoti kuparidza kuri kuvabatsira kuti vabvise pfungwa dzavo pamatambudziko avo. Vanoti: “Upenyu hwedu hwakatochinja nemhaka yehondo. Kutanga upenyu hutsva hakusi nyore, asi tinoziva kuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika. Achatibatsira nemweya wake mutsvene, uye tine hama nehanzvadzi kuti dzitibatsire kutanga upenyu hutsva kuno.”

Mune dzimwe nzvimbo muno muUkraine, mabasa akanaka ari kuitwa nehama dzedu ari kuparidza ega. Semuenzaniso, dzimwe hama dzemuguta reMykolaiv dzakabatsira rimwe sangano rakanga rauya nezvinhu zvekuyamura kugadzira imwe nzvimbo yavaizounganidzira zvinhu zvekupa vanhu. Hama dzakagadzira zvinhu zvakanga zvakafa zvakadai sepombi dzemvura nemasherufu uye vakabatsirawo pakuronga zvinhu zvekuyamura zvakanga zvaunzwa nesangano iri. Mumwe mukadzi aitungamirira sangano iri paakaongorora basa rakanga raitwa akachema. Akati, “Handina kumbofunga kuti muchaita basa rakanaka kudai, maita henyu.”

Kunyange zvazvo hama dzedu kuUkraine dziri panguva yakaoma, vari kuwana mufaro unobva pakuita basa rekuparidza uye ‘pakuita zvakanaka.’—VaGaratiya 6:9.

Pakazosvika musi wa13 July 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 42 vakashaya

  • Vaparidzi 97 vakakuvara

  • Vaparidzi 28 683 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Dzimba 524 dzakaparadzwa

  • Dzimba 588 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 554 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 5 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 10 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 36 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine

  • Vaparidzi 52 947 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Pavaparidzi vakasiya dzimba dzavo, 23 863 vacho vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo