18 JULY 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #11 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
“Kuita Zvakanaka” Munyika Ine Hondo
Hama nehanzvadzi kuUkraine, vari kufara zvisingaiti nemhaka yekuti vava kukwanisa kuparidza pachena zvekare uye pane zvinhu zvinokurudzira zvavari kusangana nazvo. Vatariri vematunhu nevakuru, vari kuti vanhu vari kufara chaizvo kuona zvingoro uye vari kuti vakanga vasuwa Zvapupu zvaJehovha.
Tatiana anopinda neungano yeSerhiivka iri munharaunda inonzi Odesa, akashanyira vanhu vaakanga ambotaura navo COVID-19 isati yatanga. Anoti, “Kubva musi wekutanga chaiwo, ndainyatsoona ruoko rwaJehovha pabasa redu rekuparidza.” Mumwe musi akashanyira mumwe mukadzi akanga amboramba kudzidza Bhaibheri COVID-19 isati yatanga. Iye zvino mukadzi uyu akanga ava kuda kuziva zvinotaurwa neBhaibheri uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Tatiana anoti, “Ndiri kuda kushanyira vese vakamboratidza kufarira ndonzwa kana vangada kudzidza Bhaibheri!”
Yevheniy naLilia vakabva kwavaigara kuMariupol vachitiza hondo uye iye zvino vari kugara kune imwewo nzvimbo isina hondo imomo muUkraine. Vese vanogara vachiparidza. Vanoti kuparidza kuri kuvabatsira kuti vabvise pfungwa dzavo pamatambudziko avo. Vanoti: “Upenyu hwedu hwakatochinja nemhaka yehondo. Kutanga upenyu hutsva hakusi nyore, asi tinoziva kuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika. Achatibatsira nemweya wake mutsvene, uye tine hama nehanzvadzi kuti dzitibatsire kutanga upenyu hutsva kuno.”
Mune dzimwe nzvimbo muno muUkraine, mabasa akanaka ari kuitwa nehama dzedu ari kuparidza ega. Semuenzaniso, dzimwe hama dzemuguta reMykolaiv dzakabatsira rimwe sangano rakanga rauya nezvinhu zvekuyamura kugadzira imwe nzvimbo yavaizounganidzira zvinhu zvekupa vanhu. Hama dzakagadzira zvinhu zvakanga zvakafa zvakadai sepombi dzemvura nemasherufu uye vakabatsirawo pakuronga zvinhu zvekuyamura zvakanga zvaunzwa nesangano iri. Mumwe mukadzi aitungamirira sangano iri paakaongorora basa rakanga raitwa akachema. Akati, “Handina kumbofunga kuti muchaita basa rakanaka kudai, maita henyu.”
Kunyange zvazvo hama dzedu kuUkraine dziri panguva yakaoma, vari kuwana mufaro unobva pakuita basa rekuparidza uye ‘pakuita zvakanaka.’—VaGaratiya 6:9.
Pakazosvika musi wa13 July 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi 42 vakashaya
Vaparidzi 97 vakakuvara
Vaparidzi 28 683 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa
Dzimba 524 dzakaparadzwa
Dzimba 588 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 1 554 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 5 dzakaparadzwa
Dzimba dzeUmambo 10 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 36 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine
Vaparidzi 52 947 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa
Pavaparidzi vakasiya dzimba dzavo, 23 863 vacho vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo