Enda pane zvauri kuda

Vanhu 2 vakabhabhatidzwa kuUkraine musi wa23 July 2022

12 AUGUST 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #12 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

“Kunyange Hondo Chaiyo Haigoni Kumisa Basa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi”

NYAYA IYI PAYAVA #12 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Kubva musi wa23 kusvika musi wa31 July , vaparidzi vari muUkraine nevakatizira kune dzimwe nyika vakabhabhatidzwa paGungano ra2022 rine musoro unoti ‘Iva Nerugare’! Pakazosvika 2 August vanhu 1 113 vekuUkraine vakanga vabhabhatidzwa. Imwe hama iri muUkraine yakati: “Kunyange hondo chaiyo haigoni kumisa basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi nekuti Jesu akavimbisa kuti: ‘Ndichange ndiinemi mazuva ese.’”—Mateu 28:20.

Tinofara kukuzivisai zvinhu zvinotevera zvakaitika.

Mumwe mudzimai anonzi Natalia ane makore 63 uye anogara kuKreminna, muLuhansk Region. Iye nevanasikana vake vaviri vakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha kuma1990. Vanasikana vake vakafambira mberi vachibva vabhabhatidzwa asi Natalia haana kubhabhatidzwa. Hondo payakatanga, imwe mhuri yeZvapupu zvaJehovha yakatora Natalia pavaitiza kuenda kunzvimbo yakachengeteka. Natalia akawana pekugara paImba yeUmambo iri muIvano-Frankivsk.

Natalia anoti: “Pashure pekunge nzvimbo yataigara yabhombwa, ndakasara ndisisina mufaro. Hama nehanzvadzi dzakandiratidza rudo rwechokwadi. Ndaisambofunga kuti vaizondibatsira zvakadaro. Ipapo ndipo pandakatangazve kuda Jehovha. Ndakatanga kuverenga Bhaibheri kakawanda uye imwe hanzvadzi yakati yaida kudzidza Bhaibheri neni tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Hanzvadzi iyi yaiva chipo chandakapiwa naJehovha.” Natalia anowedzera kuti: “Iye zvino ndiri kufara chaizvo kuti ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndiri kuda kurarama ndichitevedzera murayiro mukuru, wekuti ndide Jehovha Mwari wangu ‘nemwoyo wangu wese nemweya wangu wese nepfungwa dzangu dzese.’”—Mateu 22:37.

Olia, ari kuPoland, akabata pepa rakanyorwa musoro wegungano unoti: ‘Iva Nerugare’!

Hondo payakatanga, mumwe mudzimai anonzi Olia wekuCherkasy aiva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Musi wa6 March, vakatizira kuPoland pamwe chete nemwanasikana wake nemuzukuru wake. Anoti: “Takasvika kuPoland tingori nemabhegi edu ekushandisa kana paitika njodzi chete, asi hama nehanzvadzi dzedu dzakatipa zvataida. Izvi zvakaita kuti ndinyatsova nechokwadi chekuti sangano raJehovha rakabatana uye riri kutungamirirwa nemweya waMwari. Zvakaitika izvi zvakaita kuti ndide kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Akandibatsira zvinhu pazvakanga zvakandiomera, saka iye zvino ndava kuda kumushumira kuti ndiratidze kuti ndinoonga zvaakandiitira.”

Mumwe musikana anonzi Yulia ane makore 18 anogara kuDonetsk Region. Akakurira mumhuri yeZvapupu asi haana kumbobhabhatidzwa. Akataura zvinhu zvakaitika hondo ichangotanga. Akati: “Ndakanga ndakarara pasi ndichifunga kuti ndaigona kungofa chero nguva. Dzimba dzese dzaiva mumugwagwa wataigara dzakaparara asi isu takapona. Pashure pekunge izvi zvaitika ndakawedzera kuswedera pedyo naJehovha kuburikidza nekunyengetera uye kufungisisa nezveunhu hwake uye ndakabva ndaona kuti ndinofanira kutsaurira upenyu hwangu kwaari. Minyengetero yangu payaipindurwa ndakabva ndaona kuti Jehovha ari pedyo neni. Kare ndaingoziva nezvaMwari asi iye zvino ndava kunyatsomuda.” Yulia akabhabhatidzwa musi wa23 July.

David, ane makore 11 asati abhabhatidzwa kuGermany

Hondo payakatanga, David uyo ane makore 11 nemhuri yavo vakatizira kuGermany. Akanga agadzwa semuparidzi asina kubhabhatidzwa aine makore 9. Iye zvino ari kuedza kuzadzisa zvinangwa zvake zvekunamata. Anoti: “Ndakasarudza kubhabhatidzwa nekuti ndinoda Jehovha uye ndinoda kuva shamwari yake. Pandaibhabhatidzwa ndakachema nekuti ndaifara kuti ndava mumhuri yaJehovha yakazonaka. Ndinofarira kuudza vamwe nezvaJehovha uye chinangwa chaakasikira vanhu, saka iye zvino chinangwa chandava kuda kuzadzisa ndechekuva piyona. Ndinodawo kushumira hama nehanzvadzi dzemuungano uye kuzogadzwa semushumiri weungano. Chinangwa changu chikuru ndechekuzoshumira paBheteri. Ndozvandagara ndichishuvira kubva pandakashanyira hofisi yebazi iri muLviv muna 2018.”

Mumwe mukadzi anonzi Olena wekuKyiv akagadzwa semuparidzi asina kubhabhatidzwa muna 2011. Akaita makore 10 asingaiti basa. Muna 2020, vakuru veungano vakataura naye vachibva vamupa bhurocha raDzoka Kuna Jehovha. Anoti: “Ndakatangazve kudzidza Bhaibheri nekupinda misangano. Asi pashure pekanguva, ndakabva ndarega zvakare. Panguva yehondo, Jehovha akapindura minyengetero yangu, uye ndakaona kuti akandidzivirira, akandiratidza rudo, uye akandipa rugare mumwoyo. Ndakatizira kuRomania ndichibva ndawana Zvapupu. Hama nehanzvadzi dzakandiratidza rudo, zvaiita sekuti Jehovha akandifukidza gumbeze rinodziya.” Olena akabhabhatidzwa musi wa24 July. Anopedzisa nekuti: “Ndinotenda Jehovha nekundiratidza mwoyo murefu. Iye zvino ndava kuziva kuti ‘ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.’”—VaFiripi 4:13.

Pakazosvika musi wa2 August 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 43 vakafa

  • Vaparidzi 97 vakakuvara

  • Vaparidzi 22 568 vakatiza misha yavo

  • Dzimba 586 dzakaparadzwa

  • Dzimba 613 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 632 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 5 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 10 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 37 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine

  • Vaparidzi 53 836 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Vaparidzi 24 867 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo