Enda pane zvauri kuda

16 NOVEMBER 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #13 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Kutangazve Kuparidza Paimba Nemba

NYAYA IYI PAYAVA #13 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Muna August 2022, hama nehanzvadzi dziri muUkraine dzakaziviswa kuti dzaizotangazve kuita basa rekuparidza paimba nemba munzvimbo dzisiri kurwiwa. Hama nehanzvadzi dzedu dzaida chaizvo kuita basa iri. Vakaona kuti vanhu vakawanda vava kuda kunzwa mashoko akanaka. Mumwe munhu akabvuma kudzidza Bhaibheri akati: “Pashure pekuona kutambura kuri kukonzerwa nehondo iri kuitika, zvanyatsova pachena kuti Mwari chete ndiye anogona kugadzirisa matambudziko evanhu.” Inzwa zvakaitika kune vamwe pavaiva muushumiri.

Ruslan, uyo anopinda neungano yeLanivtsi aitya kutangazve kuparidza paimba nemba. Ruslan nemudzimai wake vakanyengetera vachikumbira kuti Jehovha avape ushingi uye kuti avabatsire kuwana vanhu vanoda kunzwa nezvetariro yeramangwana rakanaka. Vakafara kuti pashure pemaawa maviri vachiparidza, vakanga vakurukura nevanhu 8, uye vanhu vese ivavo vakabvuma kudzidza Bhaibheri.

Olha, uyo ari mungano yeKremenets paaiva muushumiri neimwe hanzvadzi, vakamhanyirwa nemumwe murume achibva avabvunza kana vakanga vari kutaura nevanhu nezveShoko raMwari. Murume wacho akati: “Ndinoputa uye ndinodhakwa zvisingaiti. Ndinoziva kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achanditonga. Handidi kuti nguva iyoyo isvike ndichiri kuita zvandiri kuita iye zvino.” Pakaitwa urongwa hwekuti hama dziri munharaunda iyoyo dzidzidze nemurume wacho Bhaibheri.

Vasyl, uyo ari muungano yeLviv-Riasne-Skhidnyi paaiva muushumiri nevamwe vari muboka ravo rekuparidza, akasvika pamba pemumwe mukadzi waakamboparidzira makore akawanda apfuura. Akayeuka kuti mukadzi wacho akaramba kutaura neZvapupu zvaJehovha uye akavaitira hasha. Vasyl akafunga kugogodza pasuo reimba yacho kuti amuudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa. Akashamisika mukadzi uya paakabuda akabva ati aida kubatsirwa kunzwisisa zvinotaurwa muMagwaro Matsvene. Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye pakaitwa urongwa hwekuti mumwe munhu adzidze naye.

Serhii, uyo ari muungano yeIllintsi, akabhabhatidzwa muna 2021 uye akanga asati amboparidza paimba nemba. Aitya saka akanyatsogadzirira zvaaizotaura. Serhii akati: “Ndakaona mavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira kakawanda. Pashure pekuona mavhidhiyo aya, chandakanga ndava kungoda ndechekuti ndive neushingi.” Zvinofadza kuti akazotaura kuti kutya kwaaiita kwakatsiviwa nemufaro mukuru waakawana paakaudza vamwe mashoko akanaka.

Nikol, uyo ari muungano yeRozdil, akava muparidzi asina kubhabhatidzwa muna August 2022. Akati: “Ndainetseka zvisingaiti uye ndaitotya kuparidza tichiita zvekuonana nevanhu. Asi pandakazviita, ndakaona kuti zvinonakidza chaizvo kukurukura nemunhu nezvaJehovha muchinyatsoonana!”

Hanzvadzi mbiri dziri kuparidza paimba nemba

Pakazosvika 11 November 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 46 vakafa

  • Vaparidzi 97 vakakuvara

  • Vaparidzi 12 569 vakasiya misha yavo

  • Dzimba 590 dzakaparadzwa

  • Dzimba 645 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 722 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 6 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 19 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 63 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine

  • Vaparidzi 53 948 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Vaparidzi 25 983 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo