Enda pane zvauri kuda

Kuenda kuri kuita magetsi muUkraine hakusi kutadzisa hama nehanzvadzi dzedu kupinda misangano. Kuruboshwe: Mutariri wedunhu ari kupa hurukuro kuvaparidzi vashoma vari muimba yeimwe hama. Nechekumusoro kurudyi: Misangano iri kuitwa kusina magetsi muImba yeUmambo. Nechekuzasi kuruboshwe: Mhuri iri kupinda misangano paZoom kusina magetsi

20 DECEMBER 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #14 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

NYAYA IYI PAYAVA #14 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Mabhomba ari kugara achiputitswa mune dzimwe nzvimbo muUkraine ari kuparadza zvinhu zvakawanda zvakadai semigwagwa, mabhiriji nezvimwewo. Pasinei neizvi, hama dziri kuramba dzichipinda misangano yeungano uye kuita mabasa ekunamata kunyange zvazvo magetsi ari kuenda kakawanda.

Kupinda misangano paZoom kusina magetsi

Anastasia naDebora, avo vanoshanda semapiyona muKyiv, vakataura kuti vanoita maawa anosvika 12 vasina magetsi zuva rega rega. Vanochaja mafoni avo pakunenge kuine magetsi uye vanototenga madata bundles kuti vapinde misangano. Kakawanda panopera misangano network inenge yadonha.

Kushaikwa kwemagetsi kuri kuitawo kuti zviome kuita kuti mudzimba murambe muchidziya. Dzimwe hama dzinoshandisa magenerator kuti vawane magetsi uye vadziyise mudzimba dzavo. Vamwe vanoenda kunogara neveukama vane zvekushandisa kuti dzimba dzidziye. Vamwe vanongoshingirira kutonhorwa. Zvinofadza kuti hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinoshandisa gas kudziyisa mudzimba saka dzimba dzavo dzinogona kugara dzichidziya kunyange pakunenge kusina magetsi.

Mumwe piyona anogara muIvano-Frankivsk, anonzi Iryna anoedza kuramba aine maonero akanaka. Anoti: “Ndakasarudza kuisa pfungwa dzangu pane zvandinogona kuita. Saka ndinongofunga zvinenge zvichiitika panguva yacho iyoyo. Ndinofunga nezvekuti zvii zvandingaita pakunenge kusina magetsi uye ndinogara ndakadhaunirodha mabhuku andinenge ndichizoda kushandisa.”

Hama nehanzvadzi dzedu dzemuUkraine dziri kuramba dzichishanda nesimba mubasa raJehovha pasinei nematambudziko akawanda avari kusangana nawo. Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achikomborera zvinhu zvese ‘zvakanaka zvavari kuita’.—VaGaratiya 6:9.

Pakazosvika 6 December 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 47 vakafa

  • Vaparidzi 97 vakakuvara

  • Vaparidzi 11 537 vakasiya misha yavo

  • Dzimba 590 dzakaparadzwa

  • Dzimba 645 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 722 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 7 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 19 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 68 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine

  • Vaparidzi 54 212 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Vaparidzi 26 811 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo