29 DECEMBER 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #15 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
Kubva pakatanga hondo yekuUkraine muna February 2022, dzimba dzinosvika 3 000 dzeZvapupu zvaJehovha dzakaparadzwa, kana kuti dzakakanganisika zvakanyanya. Muna August, hama dzekuUkraine dzakatanga kugadziridza dzimba idzi munzvimbo dzazvisina ngozi kuita kudaro, dzichitungamirirwa nedhipatimendi rinoona nezvekuyamura vakawirwa nenjodzi, Disaster Relief Department (DRD), uye Dhipatimendi Remapurani Nerekuvaka. Basa iri rinosanganisira kugadziridza matenga edzimba, mahwindo nezvimwewo. Dzimwe nguva kana vakaona kuti imba yacho yakaparadzwa, vanogona kugadziridza garaji kuti rive imba yekugara. Kusvika parizvino, dzimba 37 dzakapera uye pane dzimwe 48 dziri kugadziridzwa.
Hazvisi nyore kuita basa iri rekuvaka panguva yakadai. Asi hama dziri kuramba dzichizvipira kuita basa iri rekuyamura. Hanzvadzi Svitlana vane makore 70 vanobva kuVelyka Dymerka, Kyiv Region, vanoti: “Ndaisava nemari yekugadziridza denga remba yangu uyewo nechekumberi kwayo. Asi Jehovha akaita zvinhu zvakandishamisa. Hama dzakauya dzikapedza kugadziridza imba yangu mumazuva matatu chete.”
Hanzvadzi Nadiia avo vanogara kuHorenka, Kyiv Region, vakati basa iri rekuyamura riri kuvabatsira chaizvo muushumiri. Vakati: “Basa iri rekugadziridza dzimba ritori uchapupu kune vanhu vese. Kunyange vanhu vandisingazivi vari kutaura nezverudo rwechokwadi rune Zvapupu zvaJehovha. Zviri kuvaomera kubvuma kuti hama dzangu dzandinonamata nadzo dzakauya kuzondibatsira.”
Kunyange vaya vane dzimba dzakaparadzwa vari kubatsirawo pabasa iri. Ndizvo zviri kuitwa naYevhen naTetiana. Imba yavo yakaparara payakarohwa nebhomba. Pane kungoramba vachifunga zvavakarasikirwa nazvo, vari kushanda nesimba kubatsira vavanonamata navo. “Chinangwa chedu chagara chiri chekubatsira vamwe,” anodaro Yevhen. “Kubatsira vamwe kunoita kuti tikwanise kutsungirira matambudziko edu.”
Ndizvo zvakaitwawo neimwe hanzvadzi inonzi Lidiia. Pashure pekunge hama dzamubatsira kugadziridza imba yake, Lidiia akabva azvipirawo kubatsira pabasa rekuyamura vamwe. Akati: “Kwemavhiki maviri, hama nehanzvadzi 16 dzakashanda pakugadziridza imba yangu. Ndakanzwa sekuti ndakanga ndatova munyika itsva. Iye zvino ndava kuda kubatsirawo vamwe.”
Munguva pfupi ichangobva kudarika, mumwe ari muDare Rebazi rekuUkraine akashanyira nzvimbo dziri kuitwa basa rekuyamura kuti akurudzire hama dzine dzimba dzakaparadzwa. Akati: “Hama dzekuUkraine dzagara dzichiratidzana rudo. Asi hondo iyi yaita kuti titowedzera kubatana. Zvinobaya mwoyo kuona kuti hama dzedu padzinowana rubatsiro dzinobva dzatowedzera kushanda nesimba muushumiri uye ‘kuwedzera kuonga Mwari,’ sezvinotaurwa pana 2 VaKorinde 9:12.”
Pakazosvika 20 December 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi 47 vakafa
Vaparidzi 97 vakakuvara
Vaparidzi 11 477 vakasiya misha yavo
Dzimba 590 dzakaparadzwa
Dzimba 645 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 1 722 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 7 dzakaparadzwa
Dzimba dzeUmambo 19 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 68 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 26 ari kuita basa rekuyamura muUkraine
Vanhu 54 212 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa
Vaparidzi 26 892 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo