11 MARCH 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #2 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
Munzvimbo dziri kunyanya kurwiwa, dzakadai semuguta reMariupol, hakuna magetsi kana netiweki yekuti vanhu vakwanise kufona kana kuenda paindaneti. Mahwindo edzimba dzakawanda akapwanywa. Zvekudya uye mvura zvava zvishoma. Hama nehanzvadzi dzinopfuura 2 500 hadzisati dzakwanisa kubuda muMariupol. Mumaguta mashoma, akadai seBucha, Chernihiv, Hostomel, Irpin, Kyiv, uye Sumy, vamwe vanhu vakakwanisa kutiza. Izvi zvakaita kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzikwanise kutizira kune dzimwe nzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa.
Mumwe mukuru anopayona ane makore 36 aigara muguta reHostomel, akakwanisa kutiza pamwe chete nemudzimai wake nevabereki vake. Akataura zvakaitika hondo payakatanga muguta iri:
“Tiri mumba, tainzwa ndege dzichibhururuka. Mota dzemasoja dzainge dzakazara mumigwagwa nguva dzese. Masoja akapinda mumba medu patainge takahwanda mukamuri riri nechepasi. Mumwe wavo akatanga kupfura mabara achipinda mukamuri iroro. Mabara acho akarova bhegi raamai vangu rekushandisa kana paitika njodzi asi hatina kukuvara. Takaita maawa anenge 3 kana 4 tirimo tichinzwa pfuti dzichirira uye mabhomba achiputika. Nguva yese iyoyo, hapana kana akati bufu kana kupfakanyika. . . . Mangwana acho mangwanani patakanga tava kubuda muguta racho, hondo yakatanga kurwiwa pedyo nepataiva. Mota dzehondo dzaiva mumigwagwa . . . Zvaityisa, asi chaitonyanya kutyisa kuramba tiri muguta iroro.
“Zvinhu zvese izvi zvakachinja upenyu hwedu chaizvo. Takadzidza kushandisa mazano ari muBhaibheri. Semuenzaniso, takadzidza kuti tisanetseka nezveramangwana, tigutsikane nezvinhu zvinokosha pakurarama, uye kuti tivimbe naJehovha zvinhu pazvinenge zvakanyanya kuoma.”
Tinoziva kuti Mwari wedu, Jehovha anonyatsoziva zvese zviri kusangana nehama nehanzvadzi dzedu kuUkraine. Acharamba achivatsigira.—2 Petro 2:9.
Pakazosvika musi wa10 March 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine:
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi vaviri vakashaya
Vaparidzi 8 vakakuvara
Vaparidzi 25 407 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzisiri kunyanya kurwirwa muUkraine imomo
Dzimba 25 dzakaparadzwa
Dzimba 59 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 222 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 7 dzakakanganisika
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine
Vaparidzi 10 566 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka
Vaparidzi 9 635 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu