16 MARCH 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #3 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
Zvinosuwisa kuti hanzvadzi dzedu mbiri dzakafa pakabhombwa guta reMariupol. Kusvika pari zvino, hama nehanzvadzi dzinopfuura 2 000 hadzisi kukwanisa kutiza muMariupol nemhaka yekutsviriridza kuri kuita hondo muguta racho. Mumazuva apfuura aya, Zvapupu zvinenge 150 zvakakwanisa kutiza muguta racho. Hama dziri kushanda neKomiti Inobatsira Panoitika Njodzi (DRC) padzaiendesa zvinhu muMariupol pamwe chete masangano anoyamura vanhu vakatanga kupfurwa saka havana kuzokwanisa kusvitsa zvinhu zvacho. Pane bhomba rakaputikira panzvimbo ine Imba yeUmambo neImba Yemagungano. Izvi pazvakaitika pakanga paine hama nehanzvadzi dzinenge 200 dzakanga dzichigara mukamuri riri pazasi peImba yeUmambo. Hapana akakuvara asi mota dzavo dzakaparara, izvo zvakabva zvaita kuti kutiza muguta racho kutowedzera kuoma.
Mumwe mukuru (ari kuratidzwa papikicha iri pazasi apa) akakwanisa kutiza muMariupol nemhuri yake, uye akati: “Takarasikirwa neimba yedu, takapererwa nemabasa uye hatisi kukwanisa kunzwa zviri kuitika kushamwari dzedu. Rwendo rwatakaita runowanzotora zuva rimwe chete asi apa takaita mazuva 6. Pataidhiraivha [tichibuda muguta], taiona utsi huchipfungaira kubva pamabhomba asina kuputika aiva padivi pemugwagwa. Pataiva parwendo, hama dzaitibatsira kuwana zvekudya uye pekurara. Tainyatsonzwa kuti Jehovha, Baba vedu ndivo vaitichengeta . . . Izvi zvinoita kuti tinyatsovimba naJehovha zvizere.”
Zvapupu zvakatiza muUkraine zvakatizira kune dzimwe nyika dziri muEurope. Semuenzaniso, mumwe mushumiri weungano, mudzimai wake nevana vavo vane makore 7, 11, ne16, vakatizira kuPortugal kunogara nedzimwe hama dzavo dzitori Zvapupu. Pashure pekunge vaita maawa 11 vakamirira kupfuura pabhodha, vakazoita mazuva 4 vachifamba makiromita anodarika 4 000 kuti vasvike kwavaienda. Pavakazosvika vanhu vakanga vava kuda kutotanga misangano yeungano. Kunyange zvavo vasingatauri chiPortuguese, vakapinda misangano yacho kuti varambe vaine purogiramu yekuita zvinhu zvekunamata. Ungano yavakapinda nayo yakabayiwa mwoyo chaizvo pavakaona kufara kwaiita mhuri iyi kunyange zvazvo vari kusangana nematambudziko.
Imwe hanzvadzi yakatizira kuGermany nemhuri yayo yakati: “Kuverenga Bhaibheri, kufunga zvinhu zvinofadza uye kufungisisa nezvetariro yatiinayo kunotisimbisa uye kunotikurudzira. . . . Tiri kunyatsoona kuti Jehovha ari kutitungamirira uye ari kutibatsira achishandisa hama nehanzvadzi dzedu. Vakatigamuchira uye vakatibatsira chaizvo pataiva muUkraine, pataipfuura nemuHungary, uye vari kutibatsira kuno Germany!”
Zviri pachena kuti Jehovha ari kutsigira hama nehanzvadzi dzedu dziri muUkraine.—Pisarema 145:14.
Mishumo iyi takaiwana kubva kuhama dziri kuUkraine musi wa16 March 2022. Asi sezvo hama dzisiri kukwanisa kuziva zviri kuitika kuhama nehanzvadzi munyika yacho yese, nhamba dzevaparidzi kana zvivakwa zvakaparadzwa dzinogona kunge dzakakura kupfuura dzatiinadzo:
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi 4 vakafa
Vaparidzi 19 vakakuvara
Vaparidzi 29 789 vaitofanira kusiya misha yavo vachitizira kunzvimbo dzakachengeteka munyika yacho
Dzimba 45 dzakaparadzwa
Dzimba 84 dzakakanganiswa zvakanyanya
Dzimba 366 dzakakanganiswa asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 16 dzakakanganiswa
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akatangwa muUkraine
Vaparidzi 20 981 vakabatsirwa nemakomiti aya kuwana pekugara pakachengeteka
Vaparidzi 11 973 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa neZvapupu zviri munyika dzavakatizira