Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Chiteshi chezvitima chakazara vanhu muLviv. Imba yehama iri kutsva pashure pekubhombwa. Vakuru vane ushingi vari kutsvaga vavanonamata navo muMariupol

1 APRIL 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #5 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

NYAYA IYI PAYAVA #5 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Zvinorwadza kuti pakasvika musi wa29 March 2022, hama nehanzvadzi dzedu 7 dzakanga dzafa muguta reMariupol. Pari zvino, hama nehanzvadzi dzedu 17 dzakafa muUkraine.

Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi muUkraine ari kushanda zvakaoma kuti ape rubatsiro, pamwe pacho vachitoisa upenyu hwavo pangozi kuti vatsvage vamwe vavanonamata navo munzvimbo dzasakadzwa nehondo.

Semuenzaniso, hama dzinoshanda muMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi dzakwanisa kusvitsa zvekudya, mishonga, uye zvimwe zvinodiwa pakurarama mumaguta akaparadzwa nehondo akadai seguta reKharkiv, Kramatorsk, uye Mariupol. Mumwe ari kushanda muMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi anoita rwendo rwemakiromita anopfuura 500 pazuva, achipfuura nemunzvimbo dzinosechwa nemasoja, kuti aendese zvekudya nemishonga kuvaparidzi vanenge 2 700.

Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi anorongawo kubatsira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzibudiswe munzvimbo dziri kurwiwa hondo. Imwe hama iri muMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuChernihiv inoti: “Masoja paakatanga kubhomba nzvimbo dzaigara vanhu muguta, takaona kuti zvakanga zvisingachaiti kuramba tiri muguta racho. Sezvo muguta racho mainge musisina magetsi uye indaneti, panguva yaibhombwa, vakuru vakamhanya-mhanya muguta rese vachiudza vaparidzi vainge vakahwanda mudzimba dzepasi pevhu kuti pakanga paine mota nemabhazi zvaigona kuvabatsira kuti vabude muguta.”

Muridzi wezvifambiso zvacho, akabvuma kushandisa mota nemabhazi ake, uye akatakura vanhu ka9 kuti anunure hama nehanzvadzi dzedu 254 kubva muChernihiv. Pane imwe nguva, akatogadziridza mugwagwa kuitira kuti bhazi rake rizokwanisa kupfuura. Hama dzedu dzakatenda chaizvo rubatsiro rwadzakapiwa.

Tinochema nevaya vakarasikirwa nehama dzavo muhondo iyi. Tese tinotarisira kuzadziswa kwetariro iri muShoko raMwari, Bhaibheri, yekuti pachange pasisina rufu kana kuchema.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Vaparidzi vanenge 40 vakanunurwa muChernihiv, vachigamuchirwa paImba yeUmambo iri munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

Pakazosvika musi wa29 March 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 17 vakafa

  • Vaparidzi 35 vakakuvara

  • Vaparidzi 36 313 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Dzimba 114 dzakaparadzwa

  • Dzimba 144 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 612 hadzina kunyanya kukanganisika

  • Imba yeUmambo 1 yakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 7 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 23 hadzina kunyanya kukanganisika

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 ari kuita basa rekuyamura muUkraine

  • Vaparidzi 34 739 vakabatsirwa neMakomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti vawane pekugara munzvimbo dzisiri kunyanya kurwiwa

  • Pavaparidzi vakasiya dzimba dzavo, 16 175 vacho vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo