Enda pane zvauri kuda

Hama nehanzvadzi dzichiendesa mabhokisi ane zvinhu zvekuyamura

10 JUNE 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #9 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

NYAYA IYI PAYAVA #9 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Bazi rekuUkraine, richibatsirwa nemaKomiti Anobatsira Panoitika Njodzi (DRC) anosvika 27 riri kuramba richibatsira hama nehanzvadzi dzakatiza misha yadzo dziri muUkraine. Kubvira pakatanga hondo, matani anopfuura 250 ezvekudya, zvekupfeka uye zvimwe zvekushandisa akatengwa kuPoland achibva aendeswa kuUkraine. Hama dziri munzvimbo dzisiri kurwiwa muUkraine dzakapawo matani anopfuura 80 ezvekudya.

Ichitaura nezvekubatsirwa kwayakaitwa nehama dziri muDRC, imwe hanzvadzi inonzi Valentyna yakabva muguta reKyiv yakanyora kuti: “Hondo payakatanga, zvakanga zvava nengozi kuramba ndiri muguta saka ndakatizira kune kamwe kataundi kadiki kari munharaunda yeCherkasy. Ndava nemwedzi inopfuura miviri ndiri kuno. Hama nehanzvadzi dzemuungano dzinoratidza kuti dzine hanya neni. Vakandivigira zvekudya nezvimwe zvekushandisa. Pandakaona kubatsirwa kwese kwandakaitwa, ndakapererwa. Mune rimwe bhokisi maiva nepikicha yakadhirowewa nemumwe mwana ane makore 4 anonzi Blanca uye maivawo nekadhi . . . Ndichachengeta mapikicha aya kuti ndisambokanganwa chipo ichi chandakapiwa. Ndinoda kutenda chaizvo hama nehanzvadzi dzangu dzese, asi ndinoda kunyanya kutenda Jehovha.”

Vana vari kubatsirawo nekudhirowa mapikicha ari kuiswa mumabhokisi acho

Imwe hanzvadzi yakaremara ine makore 83 inonziwo Valentyna inobva muguta reSieverodonetsk yakanyora kuti: “Hondo payakatanga, ndaigara ndega. Mwanakomana wangu mumwe chete wandaiva naye akashaya hondo isati yatanga. Zvaityisa zvisingaiti. Guta raiswera richibhombwa. Kwainge kusina mvura, magetsi uye indaneti yainetsa. Ndinotenda chaizvo hama dzakaisa upenyu hwadzo pangozi kuti dzindibatsire.”

Hanzvadzi Valentyna vakaenderera mberi vachiti: “Pava paya, hama dzakanditora, pamwe chete nedzimwe hanzvadzi mbiri dzakaremarawo dzikatiendesa kuguta reDnipro. Hama dzakatibatsirawo kuwana pekugara. Iye zvino ndava kugara neimwe mhuri yandinonamata nayo. Tiri mhuri chaiyo. Mhuri iyi yakatondibatsirawo kuti ndiwane foni kuitira kuti ndikwanise kupinda misangano. Handimbokanganwi kubatsirwa kwandakaitwa nehama dzangu.”

Tinofara zvikuru uye tinotenda chaizvo Baba vedu vane rudo, Jehovha, avo vari kuramba vachichengeta hama nehanzvadzi dzedu dzatinoda dziri kuUkraine kuitira kuti dzisava nechinhu ‘chakanaka chadzinoshaya.’—Pisarema 34:10.

Pakazosvika musi wa7 June 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Manhamba aya akabva pane zvatakaudzwa nehama dzedu dzeikoko. Asi manhamba acho anogona kunge achipfuura ipapo sezvo zvisiri nyore kukurukura nevari munharaunda dzese munyika yacho.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi 42 vakashaya

  • Vaparidzi 82 vakakuvara

  • Vaparidzi 46 145 vakatiza misha yavo

  • Dzimba 469 dzakaparadzwa

  • Dzimba 540 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 1 405 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 5 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 8 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 33 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine

  • Vaparidzi 50 663 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka

  • Vaparidzi 22 995 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu